Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVana veZimbabwe Vari Kufa neCOVID-19 Kunze kweNyika Hwotyisa Vakawanda


Vazhinji vevanhu vari kubatwa nechirwere cheCOVID-19 vanonzi vari kushanda muzvipatara kana mumisha inochengetwa vakwegura.
Vazhinji vevanhu vari kubatwa nechirwere cheCOVID-19 vanonzi vari kushanda muzvipatara kana mumisha inochengetwa vakwegura.

Huwandu hwevanhu vari kufa nekuda kwechirwere cheCovid-19 mukati mezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika hunonzi huri kuramba huchikwira, izvo zvinonzi zvave kushusha vakawanda.

Vari kushaya vakawanda vanonzi vari mumapoka ezvehutano munyika dzavagere, zvikuru sei vari kugara nekushanda kuBritain, America nedzimwe nyika.

MuAmerica munonzi mune zvizvarwa zveZimbabwe zvinoshanda muzvipatara kana mumisha inogara vakwegura zvine chitsama zvashaya pamwe kubatwa nechirwere ichi kusvika pari zvino zvino.

Vazhinji vevanhu ava vanotyirwa kuti vanogona kunge vakatakurawo hutachiwana uhwu kuenda nahwo kudzimba dzavo, izvo zvakaisawo mhuri dzavo pamwe neshamwari munjodzi.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCOVID-19 muAmerica hunonzi neJohns Hopkins University hwadarika mazana masere nemakumi maviri neshanu ezviuru, kuchitiwo vashaya vasvika pamakumi mananeshanu ezviuru nemazana matatu nemakumi masere nevaviri.

KuBritain, vanhu vabatwa nechirwere ichi vanonzi vadarika pazana nemakumi matatu ezviuru, vashaya vachinzi vasvika pagumi nenomwe rezviuru nezana nemakumi masere nevana.

Pasi rose vanhu vabatwa nechirwere ichi vapfuura mamiriyoni maviri nemazana mashanunemakumi masere ezviuru, kuchitiwo vafa vasvika pazana nemakumi manomwe nesere ezviuru nemazaa masere nemakumi mana nevashanu.

Mufundisi Richard Kurumidzai Sabvute vekereke yeZAOGA Forward in Faith vachibata vari kuManchester kuUnited Kingdom vanoti zvinosuwisa kuti hama dziri kurasikirwa nehupenyu zvakawanda, kazhinji kacho nekuda kwekushaya ruzivo.

Mufundisi Sabvute vanoti vanokurudzira vose vari kushanda munzvimbo dzinogona kutapuriranwa hutachiwana hweCoronavirus kuti vazive zvavanofanirwa kuita uye kushandisa vasati vapinda pabasa ravo, izvo vanoti zvinogona kuderedza dambudziko iri.

Mufundisi Sabviute vanokurudzirawo vana veZimbabwe vari kunze kwenyika kuti vaise musoro pamwe munguva ino vachiti chave kudiwa pane ino nguva ndechekuti vana veZimbabwe vabatane kuitira kuti varambe vachisimbisana munguva ino yekushushikana.

Hurukuro naMufundisi Richard Kurumidzayi Sabvute
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG