Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzofara neKusashaya kweVanhu neCovid-19 muMazuva Manomwe Adarika


Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakwira kusvika pazviuru zvinomwe nemazana matanhatu nemakumi matatu nevatatu.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 hwaramba huri pamazana maviri nemakumi maviri nevana kana kuti 224, sezvo pasina munhu akafa nedenda iri.

Izvi zvinoreva kuti kwemazuva manomwe, hapana munhu afa munyika neCovid-19, chiitiko chiri kutambirwa nenyanzvi mune zvehutano dzichiti ichi chiratidzo chekuti matanho ekurwisana nechirwere ichi ari kutorwa nenyika ari kushanda.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi munyika hwakakwira kusvika pazviuru zvinomwe nemazana matanhatu ane makumi matatu nevatatu, kana kuti 7 633 mushure mekunge vanhu makumi matatu nevashanu kana kuti 35, vawanikwa vaine chirwere ichi.

Pavanhu ava vanhu makumi matatu nevaviri kana kuti 32 vagara vari munyika, vaviri vakadoka kubva kuSouth Africa kuchiti mumwe chete ari akadzoka munyika kubva kuNamibia.

Vanhu vakanga vapona kubva kucovid-19 kusvika nemusi weChina vanonzi vakanga vasvika pazviuru zvishanu nemazana masere ane makumi mana nemumwe, kana kuti 5 841.

Huwandu hwevanhu vachiri kurwara neCovid-19 hwakakwira kuenda pachiuru nemazana mashanu nemakumi matanhatu nevasere, kana kuti 1 568.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG