Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashanu Vakashaya neChirwere cheCovid-19 neMusi weChitatu


Nyanzvi dzehutano dzinoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kufa neCovid-19 kunogona kunge kuine chekuita nekufambafamba kwevanhu pazororo reEaster.
Nyanzvi dzehutano dzinoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kufa neCovid-19 kunogona kunge kuine chekuita nekufambafamba kwevanhu pazororo reEaster.

Bazi rezvehutano rakazivisa neChitatu kuti vanhu vashanu vakafa neCovid-19 uye vamwe makumi matatu nevapfumbamwe, kana kuti 39, vakawanikwa vaine chirwere ichi pavanhu zviuru zviviri nemazana matatu ane makumi manomwe nevashanu, kana kuti 2 375, vakavhenekwa pachishandiswa mishina yePCR.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 hwasvika pachiuru nemazana mashanu ane makumi mana nevasere, kana kuti 1 548.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi munyika yose kubva zvachatanga hwakasvikawo pazviuru makumi matatu nezvinomwe nemazana matatu ane makumi matanhatu nevapfumbamwe, kana kuti 37 369.

Bazi rezvehutano rakazivisawo kuti vanhu zviuru gumi nezvitatu zvine zana negumi nevatanhatu, kana kuti 13 116 vakabaiwa nhomba yekutanga yekudzivirira Covid-19, kuchitiwo vamwe mazana matanhatu nemakumi mashanu nevanomwe, kana kuti 657, vachibaiwa nhomba yavo yepiri.

Izvi zvakasiyawo huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba kubva paparurwa chirongwa ichi hwasvika pazviuru mazana maviri nemakumi matatu nechimwe nemazana matanhatu ane makumi matatu nevaviri, kana kuti 231 632.

Johns Hopkins University Hospital, iyo iri kutevera kupararira kuri kuota chirwere ichi pasi rose, inoti vanhu vanodarika mamiriyoni zana nemakumi matatu nemasere vabatwa nechirwere ichi pasi rose, uye vamwe vanodarika mamiriyoni maviri ane mazana mapfumbamwe ezviuru vafa pasi rose.

MuAmerica, umo mune vanhu vakawandisa vabatwa pamwe nekufa neCovid-19, vanhu vanodarika mamiriyoni makumi matatu neimwe vabatwa nechirwere ichi uye vamwe vanodarika zviuru mazana mashanu nemakumi matanhatu nezvina vafa nacho.

Nyanzvi mune zvehutano uye vakambove gurukota rezvehutano, vari munyori anoona nezvehutano mubato reMDC Alliance, Dr. Henry Madzorera, vanoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa neCovid-19 kunogona kunge kuine chekuita nezororo reEaster richangobva kuitwa sezvo vanhu vakawanda vakafambafamba.

Dr. Madzorera vanotiwo kunyevenutswa kwemutemo we lockdown kunogona kuve nechekuitawo zvakare sezvo vanhu vakawanda vave kuungana zvisina tsarukano uye vamwe vasisatopfeki zvekuvhara miromo nemhino.

.Asi vanoti vanokurudzira veruzhinji kuti varambe vachikoshesa kutevedzera mitemo yakaita sekugeza maoko, kusaungana pamwe nekusiya mikaha pakati pavo.

Dr. Henry Madzorera vanti hurumende inofanirwawo kusimbisa nyaya yedzidziso pamusoro peCovid-19 pamwechete nenhomba iri kubaiwa vanhu pari zvino kuitira kuti veruzhinji vazvinzwisise.

Hurukuro naDr. Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG