Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inosimbisa Mutemo Unodzivirira Kupararira kweCovid-19


Gurukota rezvehutano vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga
Gurukota rezvehutano vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga

Gurukota rezvehutano vari zvakare mutevedzeri wemutungamiri qwenyika, VaConstantino Chiwenga vazivisa nezvematanho matsva anofanirwa kuteverwa senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19 munyika.

Vachitaura kuvatori venhau, VaChiwenga vati pave kusimbiswa mutemo wekupfekwa kwezvinovhara mirmo nemhino kana kuti ma mask, kusiya mikaha pakati pevanu uye kugeza maoko kana kushandiswa kwezvinouraya hutachiwana kana kuti ma sanitizer.

Vatiwo hurumende ichasimbisa kuvhenekwa kwevanhu kuona kana vaine hutachiwana hunokonzera Covid-19, kuteverwa kwevanenge vakasangana nevane hutachiwana uyewo kugarisa kwavo voga vanenge vawanikwa vaine chirwere ichi.

Zvimwe zvanzi zvichasimbiswa kuteverwa kwemutemo wekudzivirira kupararira kweCovid-19 pavanhu vanofanirwa kukwira mabhazi.

Kuungana kwevanhu, kungava kumakereke, kumimhanzi pamwe nekumitambo kwambomiswawo.

Vanhu vachange vachibvumidzwa kuungana parufu vanzi havafanirwe kudarika makumi matatu, kuchitiwo vanhu vanofanirwa kunge vari mumahofisi vanofanirwa kunge vari zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvevashandi vose, kana kuti 50 percent.

Vemabhzimusi vave kusungurwa kuvhura kubva nenguva dzesere mangwanani vachivhara nenguva dzenhanhatu manheru.

Nzvimbo dzekutandarira dzakaita semabhawa dzicharamba zvakavharwa, uyewo vanotengesa doro vanonzi vanofanirwa kuvhura nenguva dzegumi mangwanani vachivhara nenguva dzeina masikati.

Vanotenga doro vanziwo havabvumidzwi zvakare kunwira panzvimbo dzavanenge vatenga doro.

VaChiwenga vati nzvimbo dzekudyira dzichange dzichingobvumidzwa kutengesa chikafu chekutakura kunodyra mberi chete.

Misika yanzi inofanirwa kuvharawo nenguva nenhanhatu manheru, uye vashandi vezvehutano vachange vachitenderera vachiona kuti mutemo uyu uri kuteverwa.

Vanhu vaimbotengeserawo munzvimbo dzinotengeserwa fodya vanonzi havachabvumidzwi kusvika kumisika yefodya iyi, zvichireva kuti vanotenga fodya pamwe nevarimi ndivo chete vanenge vachifanirwa kuonekwako.

Mutemo unosungira munhu anopinda munyika kuti ange aine gwaro rinoratidza kuti akavhenekwa akawanikwa sina Covid-19 mukati memaawa makumi mana nemasere unonzi wasimbiswawo zvakare.

Gwaro iri rinonzi rinofanirwa kunge richiratidza kuti munhu uyu akavhenekwa pachishandiswa muchina wePCR.

Veruzhinji vari kuyambirwawo kuti vasashanyira nzvimbo dzakabatwa zvakanyanya neCovid-19, uye hurumende yavimbisa kuti ichange ichizvisa nezvenzvimbo idzi zuva roga roga.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG