Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kusimbisa Kuteverwa kweVangadai Vakasangana Nevanhu Vane Covid-19


Vanhu vakawanda vanonzi vave kungorwara nekushaya vasina kuvhenekwa kana vaine hutachiwana mushure mekusangana nevanenge vaine chirwere cheCovid-19.
Vanhu vakawanda vanonzi vave kungorwara nekushaya vasina kuvhenekwa kana vaine hutachiwana mushure mekusangana nevanenge vaine chirwere cheCovid-19.

Hurumende iri kukurudzirwa kuti ikoshese hurongwa hwekutevera vanhu vangadai vakasanagana nevanhu vane chirwere cheCovid-19, senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana hunokonzera chirwere ichi.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti hurumende yakati kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere che Covid-19 pazuva kwaremedza basa rekutevera vanenge vakasangana nevane chirwere ichi, izvo zvave kuderedzawo huwandu hwevanhu vari kupona kubva kuchirwere ichi vanoziviswa pazuva.

Mukuru anoona nezvekurwisana neCovid-19, Dr. Agnes Mahomva, vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti zvikwata zvavo zviri mumatunhu emunyika zvave kukundikana kutevera vakasangana nevane Covid-19 nekuda kwekushaiwa zvikwanisiro.

Dr. Mahomva vakati nekuda kwedambudziko iri, vashandi ava vave kunyanya kungotevera vanhu vanenge vachirwara neCovid-19 zvakanyanyisa, kwete vanenge vasati vave nezviratidzo.

Asi nyanzvi mune zvehutano uye vakambove gurukota rezvehutano, Dr. Henry Madzorera, vanoti izvi zvinokanganisa zvikuru hurongwa hwekudzivirira kupararira kwehutachiwana hweCoronavirus vachiti chirwere ichi chave kungoita chamurambamhuru kupararira.

Vanoti dai hurumende yambosendeka zvimwe zvirongwa zvairi kuita zvisinganyanyobatsira kuponesa vanhu munguva ino, yoisa mari dzacho mukudzivirira kupararira kwedenda iri.

Dr. Madzorera vanokurudzirawo zvakare hurumende kuti iwedzere zvipatara zvinotambira varwere veCovid-19, kuburikidza nekuisa matende anenge aine mibhedha kuitira kuderedza dambudziko rekushaikwa kwemibhedha muzvipatara zvemunyika, izvo zvinonzi zvakazarisa.

Asi gurukota rezvehutano uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga vakazivisa mazuva mashoma adarika kuti hurumende haina dambudziko renzvimbo dzekuisa varwere veCovid-19 vachiiti zvipatara zvemunyika zvine mibhedha yakakwana.

Hurukuro naDr. Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG