Accessibility links

Breaking News

Veruzhinji Vokurudzirwa Kutsigira Hurumende Kuita Mabasa eKurwisa Covid-19


Reverend Doctor Kenneth Mtata, munyori mukuru weZCC.
Reverend Doctor Kenneth Mtata, munyori mukuru weZCC.

Apo huwandu hwevanhu vari kufa kana kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchikwira, vemakereke vanoti vari kushanda zvakasimba vachirwisa kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, kuburikidza nekuwanisa zvipatara zvemachechi zvikwanisiro, mvura pamwe nekupa dzidziso kune veruzhinji pamusoro pedenda iri.

Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vanoti basa guru riri kuitwa nemakereke kugadzirisa zvipatara zvemachechi, izvo vanoti zvakawanda kumaruwa, kuwanisa zvipatara izvi mvura yakachena, kuwanisa vashandi vemuzvipatara zvipfeko zvekuzvidzivirira kubva kuchirwere ichi, pamwe nekuwanisa vanhu zvekudya munguva ino ye lockdown.

Reverend Mtata, avo vakaita zvidzidzo zvepamusoro soro zvePhD munyaya dzezvidzidzo zvebhaibheri, vanoti nyaya yakatarisana nenyika yedenda reCovid-19 haichisiri nyaya ingangonzi ingasiirwa kuhurumende chete, asi kuti yave nguva yekuti munhu wese pamwe nemasangano vawane chavangaisa mukubatsiridza kuti zvinhu zvirerukire nyika.

Panyaya yekuti nyika yakagadzirira here kupa nhomba yekudzivirira Covid-19, Reverend Mtata vanoti pasi rose nyika zhinji hadzina kugadzirira, kusanganisirawo dzakaita seAmerica, hadzinawo kugadzirira pakugoverwa kwenhomba idzi, kusanganisirawo Zimbabwe.

Munyika mune vamwe vemakereke vanonzi vari kukurudzira nhengo dzavo kuti dzisazotora nhomba yekudzivirira Covid-19, asi munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches ava vanoti vemakereke ava havafanirwe kutsvaga mbiri nekushambadza mashoko asina humbowo.

Vanoti zvinozivikanwa pasi rose kuti nhomba dzinogona kukonzerawo mamwe matambudziko pamunhu, asi vachiti zvinozivikanwawo cjose kuti nhomba dzinoponesa.

Reverend Mtata vanoti vemakereke ava vanofanirwa kutobatsira mukushanda pamwe kuburikidza nekusvitsawo pfungwa dzavo kuti dzishandiswe, uyewo kuti ivo kana vasingade kupiwa nhomba idzi vanofanirwa kusiya vanoda zvavo vachibaiwa.

Hurukuro naRev. Dr. Kenneth Mtata
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG