Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoomesera Vanoda Kudzokera Kumusha Vachibva kuSouth Africa


Vese vanodzoka kuZimbabwe vanofanirwa kuve nemagwaro anoratidza kuti havana chirwere cheCovid-19
Vese vanodzoka kuZimbabwe vanofanirwa kuve nemagwaro anoratidza kuti havana chirwere cheCovid-19

Hurumende yazivisa kuti mabhazi ose anotakura zvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzoka kumusha, anofanirwa kupihwa tsamba nehofisi yemumiriri weZimbabwe muSouth Africa inoabvumira kutakura vanhu ava mazuva maviri rwendo urwu rusati rwaitwa.

Hurumende inoti kuti kambani yebhazi ipiwe gwaro rinoibvumidza kutakura vanhu ava, kambani iyi inofanirwa kupa hofisi yemumiriri weZimbabwe muSouth Africa gwaro rinoratidza mazita evanhu vose vachange vari mubhazi iri, manhamba emagwaro avo ekufambisa, kwavanozoenda kana vasvika muZimbabwe, pamwe chete nemagwaro ose emuchairi webhazi.

Gwaro iri, iro rabudiswa paTwitter pemunyori mubazi rwezvekubudiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, rinoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kudzoka kumusha, pamwe chete nevashandi vebhazi riri kuvatakura, vanofanirwa kuve nemagwaro anoratidza kuti havana chirwere cheCovid-19.

Izvi zvashorwa zvikuru nesangano rinorwira kodzero dzevanhu, reHuman Rights Watch, iro rinoti hapana zvimhingamupini zvinofanirwa kuiswa mberi kwechizvarwa cheZimbabwe chiri kudzokera kumusha kwacho.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinofanirwa kupinda muZimbabwe zvakasununguka zvigozobatsirwa munyaya dzezvehutano hwavo nezvimwe zvose, kwete kuti vavharirwe kunze kwenyika sezvichaitika kana mirairo iyi ikadzikwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG