Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanachiremba neVakoti paChipatara cheMpilo Vanowanikwa Vaine Covid-19


Chipatara cheMpilo Hospital muBulawayo.
Chipatara cheMpilo Hospital muBulawayo.

Zvinhu zvinonzi zvakaita manyama amire nerongo pachipatara cheMpilo kuBulawayo mushure mekunge vakoti navanachiremba makumi matanhatu nevatatu vabatwa nechirwere cheCovid-19 kubva kutanga kwemwedzi uno.

Vashandi vezvehutano ava vanonzi vose vakaiswa kwavo voga senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana.

Nyanzvi mune zvehutano dzinoti chiitiko ichi chave kukanganisa kufambiswa kwemabasa ehutano pachipatara ichi, panguva iyo huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 huri kukwira zvakanyanya.

Aka hakasi kekutanga vashandi vepachipatara ichi vachibatwa neCovid-19.

Studio 7 yaedza kubata mutauriri webazi rezvehutano,VaDonald Mujiri kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi asi vati vaanga vasati vaudzwa nezvenyaya iyi, vakavimbisa kupindura mibvunzo yedu yatavatumira.

Nyanzvi mune zvehutano, uye vakambovewo gurukota rezvehutano, Dr. Henry Madzorera, vanoti chinhu chinosuvisa kunzwa kuti vanachiremba nevakoti vakawanda kudaro vanobatwa neCovid-19 pachipatara chimwechete.

Dr. Madzorera vanoti hurumende inofanirwa kutora matanho ekudzivirira kuti vamwe vakoti navanachiremba vasabatwawo nechirwere ichi zvakare.

Vanotiwo zvakakosha zvikuru kuti hurumende izivise veruzhinji kuti pavanhu vakabatwa neCovid-19 paMpilo ivava, vangani vakabaiwa nhomba dzose dziri mbiri, vangani vakabaiwa imwe chete, uye vangani vasina kubaiwa, kuitira kuti paonekwe kuti nhomba dziri kushanda zvakadii.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti vanhu makumi matatu nevana, 34, vakafa neCovid-19 uye vamwe chiuru nevatanhatu, kana kuti 1 006, vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Bazi iri rakazivisawo kuti nzvimbo dziri kupisa nedenda iri pari zvino, kana kuti anganzi ma hostspots dzinosanganisira Hurungwe, Kariba neZvimba kuMashonaland West; Bindura neMazowe kuMashonalande Central; Marondera neGoromonzi kuMashonaland East; Bikita neMasvingo mudunhu reMasvingo; Nkulumane, Emakhandeni pamwe nemisha iri kumaodzanyemba kweBulawayo, uyewo Kwekwe mudunhu reMidlands.

Vanhu vafa neCovid-19 kubva zvatanga denda iri munyika vakasvika zviuru zviviri nemazana matanhatu nemakumi maviri nevaviri, kana kuti 2 622.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva zvachatanga vakasvikawo pazviuru makumi masere nezvitatu nemazana matanhatu negumi nevapfumbamwe, kana kuti 83 619.

Vanhu vapona kubva kuCovid-19 vakasvika pazviuru makumi mashanu nezvitatu nemazana mana nemakumi mashanu nevatatu, kana kuti 53 453.

Vanhu zviuru gumi nezviviri nemakumi mana nevatatu, 12 043, vakabaiwa nhomba yekutanga yekudzvirira Covid-19 neSvondo, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba yekutanga pamiriyoni imwe chete nezviuru zana nemakumi mana nezvina nemazana matatu nemakumi manomwe nevapfumbamwe, kana kuti 1 144 379.

Vamwe chiuru nemazana manomwe nemakumi matanhatu nevashanu, kana kuti 1 765, vakabaiwawo nhomba yepiri sezvinokurudzirwa, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabaiwa nhomba iyi pazviuru mazana matanhatu nemakumi mana nechimwe nezana nemakumi mashanu nemumwe, kana kuti 641 154.

Hurukuro naDr. Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG