Accessibility links

Breaking News

Vanhu Makumi Maviri neVaviri Vanowanikwa Vaine Chirwere cneCovid-19 muNyika


Pavanhu makumi maviri vakawanikwa vaine chirwere, makumi maviri nemumwe vagara vari munyika, mumwe chete akabva kuSouth Africa.

Bazi rezvehutano rakazivisa neChitatu kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwakakwira kusvika pazviuru zvinomwe nemazana mashanu ane makumi mapfumbabwe nemasere, kana kuti 7 598 mushure mekunge vanhu makumi maviri nevaviri kana kuti 22, vawanikwa vaine chirwere ichi.

Pavanhu ava vanhu makumi maviri nemumwe kana kuti 21 vagara vari munyika, mumwe chete ari akadzoka munyika kubva kuSouth Africa.

Hapana munhu akshaya nechirwere ichi izvo zvakaita kuti vanhu vafa varambe vari pamazana maviri nemakumi maviri nevana, kana kuti 224.

Vanhu vakanga vapona kubva kuCovid-19 kusvika neChitatu vanonzi vakanga vasvika pazviuru zvishanu nemazana masere ane makumi maviri nevatatu, kana kuti 5 823.

Izvi zvakasiya vanhu chiuru nemazana mashanu nemakumi mashanu nemumwe, kana kuti 1 551 vachiri kurwara nechirwere ichi.

Pasi rose vanhu vanodarika mamiriyoni makumi maviri nemapfumbamwe nezviuru mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nezvisere kana kuti 29 398 000, vabatwa nechirwere ichi, icho chaurayawo vanhu vadarika zviuru mazana mapfumbamwe nemakumi matata zvine mazana mapfumbamwe kana kuti 930 900.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG