Accessibility links

Breaking News

Nyakutadziswa Kunwa Mishonga Yake Ari Muhusungwa Osungisa Hurumende


Kembo Mohadi
Kembo Mohadi
Mumwe murume anorarama neHIV/AIDS, uyo akasungwa gore rapfuura akatadziswa kunwa mapiritsi ake ema Anti Retroviral Drugs, ARVs, apo aive muhusungwa, aendesa nyaya iyi kudare repamusororo soro.

Murume uyu ari kuda kuti matare akomekedze zviri pamutemo mapurisa nemagadhijere kuti vaone kuti vasungwa vose vanorarama neHIV/AIDS vapihwa mapiritsi avo nechikafu chakakwana.

Magwaro aendeswa kudare re Supreme Court, anoratidza kuti vari kusungiswa panyaya iyi naVaDouglas Muzanenhamo, mukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri, mapurisa epaHarare Central, makurukota ezvemukati menyika, VaKembo Mohadi naAmai Theresa Makone, mukuru wemagadhijere, VaParadzai Zimondi, gurukota rezvemutemo, VaPatrick Chinamasa, pamwe negweta guru rehurumende, VaJohannes Tomana.

VaMuzanenamo, avo vakawanikwa vasina mhosva nevamwe vavo, vanoti hutano hwavo hwakadzira chose apo vaive mutirongo zvekuti CD4 count yavo yakadzika kubva pa 800 kusvika 539.

Vanoti vakanyimwa mukana wekunwa mapiritsi avo pamwe nekudya chikafu chakanaka sezvinodiwa kana munhu ari pamishonga iyi.

Gweta riri kumirira VaMuzanenhamo, VaTawanda Zhuwarara, avo vanoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights, vanoti kushaiswa mukana wekunwa mapiritsi avo kwakavhiringidza hutano hwavo zvakaipisisa.

VaZhuwarara vanoti kunyange hazvo munhu akasungwa nemapurisa, anofanira kuramba aine kodzero dzake dzekuwana mishonga nekudya chikafu chakanaka.
Mukuru weZimbabwe Lawyers for Human Rights, Muzvare Irene Petras, vaudza vatori venhau kuti zvakaitwa kuna VaMuzanenamo zvinoratidza kuti hurumende ine hutsinye uye haina hany’a nehupenyu hwevasungwa.

VaMuzanenhamo vakasungwa muna Kukadzi gore rapfura nevamwe vavo vanosanganisira mukuru we International Socialist Organization - Zimbabwe, VaMunyaradzi Gwisai, vachipomerwa mhosva yekuronga kupidigura hurumende yaVaMugabe, mushure mekunge vabatwa vachiona vhidhiyo yemhirizhonga yakaitika ku Tunisia neku Egypt, iyo yakachinjisa hurumende dzemunyika idzi. Vakagara muhusungwa kwenguva yakareba vachishaiswa mukana wekunwa mishona yavo, asi mhosva yavaipomerwa yakazoraswa.
Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG