Accessibility links

Breaking News

Mutongi weDare reHigh Court Anotadza Kupa Mutongo paNyaya yaMuzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri


Nhengo dzeMDC Alliance Muzvare Joana Mamombe naMuzvare Cecilia Chimbiri
Nhengo dzeMDC Alliance Muzvare Joana Mamombe naMuzvare Cecilia Chimbiri

Mutongi wedare repamusoro reHigh Court, Justice Tawanda Chitapi, vanonzi vakundikana kupa mutongo wavo pachikumbiro chenhengo mbiri dzeMDC Alliance, Muzvare Joana Mamombe, avo vanova mumiriri weHarare West mudare reNational Assembly, pamwe nemutevedzeri wasachigaro wevechidiki mubato iri, Muzvare Cecilia Chimbiri, chekuti vatongwe vachibva kumba vachinzi varwara nezino.

Justice Chitapi vave kutarisirwa kupa mutongo wavo neChitatu.

Mutongo uyu waifanirwa kunge wakapiwa svondo rapera, asi VaChitapi vakakundikana zvakare vachiti vakanga vasina kupedza kuugadzira.

Mune imwewo nyaya yanga iri kumatare, kutongwa kwevaimbove meya weHarare, VaHerbert Gomba panyaya yavari kupomerwa yekupa mvumo yekutengeswa kwenzvimbo yekuvakira dzimba zviri kunze kwemutemo yaendeswa mberi kumusi wa 26 Chivabvu.

Asi VaGomba vari kutarisirwa kudzoka zvakare kudare neChitatu neimwe mhosva zvakare yavari kupomerwa yekutengeswa kwenzvimbo kune mumwe mushandirapamwe muna 2016.

Ukuwo, kutongwa kwenhengo yeZanu PF, VaGoodman Tamuona Musariri, avo vaimbove sachigaro vedunhu duku kuMashonaland Central, kwakakundikana kuenderera mberi neMuvhuro kuBindura mushure mekunge vafakazi vakundikana kuenda kudare.

VaMusariri, avo vakasungwa muna 2020, vari kupomerwa mhosva yekuzvidza hurumende mushure mekufambisa mashoko pa WhatsApp, ayo anonzi aikurudzira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga kuti vabvise VaMnangagwa pachigaro.

Mutongi wedare anonzi akazoti nyaya idzoke kudare musi wa 12 Chivabvu unove mwedzi uno.

Mutauriri wemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, anove ari kumirira vasungwa vose ava, VaKumbirai Mafunda, vanoti panyaya yemadzimai eMDC Alliance, semagweta vanzwisisa kuti mutongi arwara nezino uye vane tarisiro yekuti VaChitapi vachabudirira kupa mutongo wavo sezvavavimbisa.

VaMafunda vanoti madzimai maviri aya anga akatarisirawo kuti vachapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwewo Vachibva kudzimba dzavo.

Muzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri vari kujeri reChikurubi Maximum Prison mushure mekusungwa vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo unorambida kuungana senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19 vachinzi vakataura kuvatori venhau panze pedare ramejasitiriti muna Kurume.

Hurukuro naVaKumbirai Mafunda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG