Accessibility links

Breaking News

Mitongo yeMatare Yovhiringa Mafambisirwo eBasa reZimbabwe Electoral Commission


Veteran lawyer Tendai Biti, who represented Musa Kika, is seen speaking to journalists outside Zimbabwe's High Court in Harare, May 15, 2021. (Columbus Mavhunga/VOA)

Citizens Coalition for Change inoti zvinoshamisa zvikuru kuti dare repamusoro nezuro rakati sarudzo dze by elections mumatunhu matanhatu makange manzi nedare rimwe chetero hamufaniri kuitwa sarudzo idzi, dzinofanirwa kuitwa dare iri richizvidza mutongowedare reSupreme Court.

Mutauriri weCitizens Coalition for Change, Advocate Fadzayi Mahere, vaudza Studio 7 kuti izvi zviri kuvashamisa.

Vati chinonyanyoshamisa ndechekuti mutongo wedare iri wakaitwa pasina vakanga vapikisa kuitwa kwesarudzi idzi, VaTendai Biti pamwe neveZimbabwe Electoral Commission.

ZEC inoti yamirira zviziviso zviri pamutemo kana kuti Legal Notices pachirungu kana zvimwe zvaichanzi iite kuti ioone kuti yoenderera mberi sei enyaya iyi.

Izvi zvinotevera mutongo waJustice Tawanda Chitapi nemusi weChipiri, vachisimbisa mutongo weSupreme Court wakati kudzingwa kwaVaBiti nevamwe vavo kwaive kusiri pamutemo.

Asi nezuro Justice Never Katiyo, vakati zvigaro zvevatanhatu izvi zvinofanira kukwikwidzwa.

Zvichakadai, kunze kwenyaya yaVaBiti nevamwe vavo, munyori anoona nezvesarudzo muCitizens Coalition for Change, VaIan Makone, vati kunyoreswa kwenhengo dzavo kwakafamba zvakanaka kunze kwemumaWard matatu chete kuMasvingo neBulawayo uko pakaita vanhu vaviri vaviri kubato iri vakanyoresa kuti vakwikwidze.

Asi vati nyaya iyi yave kugadziriswa.

Vatiwo chave kudiwa kuti mapato apihwe mikana yekutsvaga rutsigiro pachena pamwe nekupiwa mikana yakafanana panhepfenyuro nemapenhau ehurumende.

Mutaururi weMDC Alliance, VaWitness Dube, vati zvinhu zvakafamba zvakanaka chose kuNomination Court kunyange hazvo dzimwe nhengo shoma dzakaita dambudziko rekusawirirana.

Vatiwo mutemo wesarudzo unofanirwa kusandirwa kuitira kuti mazuva ekunyoresa kuti munhu apinde musarudzo awedzerwe. .

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubva kuZanu PF sezvo murongi wemisangano mubato iri, VaMike Bimha, vange vasiri kudaira nhare mbozha yavo.

Zanu PF yakakwanisa kunyoresa vanhu vayo vachakwikwidza sarudzo mumaWard nemaConstituencies ese ari kuitwa sarudzo musi wa 26 Kurume.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG