Dare repamusoro rambosendeka parutivi danho rainge ratorwa neBroadcasting Authority of Zimbabwe, BAZ, iyo yakanga yakanzura rezinesi rekambani yeDr Dish iyo iri kushanda nekambani yeKwese TV.
Dare rati BAZ yakaknzura rezenisi iri zvisiri pamutemo.
Kambani yeKwese TV ndeyamuzvinabhizinesi, VaStrive Masiyiwa, uye iri kushanda zviri pamutemo munyika dzakaita seNigeria, Botswana, Kenya, Zambia nedzimwe.
Musi wa 22 Nyamavhuvhu, BAZ yakati yainge yakanzura rezinesi iri nekuti Dr Dish yainge yanzi ingoshanda chete nekambani yeMy TV Africa Service, kwete Kwese TV.
Asi Dr Dish yakaenda kumatare ichiti zvainge zvaitwa nemukuru weBAZ zvainge zvisiri pamutemo sezvo achifanira kukanzura marezinesi awirirana nebhodhi iro risipo pari zvino.
Kambani iyi yakatiwo hachisi chokwadi kuti yaifanira kungoshanda neMy TV Africa chete.
Kambani yeDr Dish yati kambani yavari kukwikwidzana nayo yeDSTV inoshanda nemakambani akawanda muzvirongwa zvayo, nokudaro haioni chikonzera chinopa hurumende kuti ikanzure rezenisi rayo.
Kambani yeKwese inoti yange itori nevanhu zviuru makumi maviri nezvitatu vainge votoona zvirongwa zvayo uye kune vamwe zviuru zvinomwe vakatobhadhara mari yekutanga kuona zvirongwa izvi.
Gweta reDr Dish, VaTawanda Nyambirai, vanoti vari kufara nemutongo wapihwa nedare redzimhosva.
VaNyambirai vati zvichitevera mutongo uyu, vanhu vachatanga kuona zvakare Kwese TV chero nguva kubva pari zvono.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reBAZ.
Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti hurumende inogona kuita kuti bhodhi reBAZ rigadzwe richibva rapa danho rekukanzura rezenisi reDr Dish.
Asi dzimwe nyanzvi dzinotiwo bhodhi iri rikatora danho rekukanzura rezenisi reDr Dish, kambani iyi inogonawo kuendesa nyaya iyi kudare repamusoro soro.
Facebook Forum