Accessibility links

Breaking News

Dare Rinorasa Mhosva Yanga Ichipomerwa Chikowore naTakawira


Journalists Samuel Takawira and Frank Chikowore stand with a police detective outside a court in Harare, Zimbabwe, May 23, 2020. (Columbus Mavhunga/VOA)

Dare ramejasitireti kuMbare rawana vatori venhau, Frank Chikowore naSamuel Takawira, vasina mhosva panyaya yavanga vachipomerwa yekutyora mutemo weNational Lockdown Regulations muna Chivabvu.

Mune imwewo nyaya, kanzura weMDC Alliance kuMasvingo, VaGofrey Kurauone, vawanikwa vasinamhosvapanyaya yavanga vachipomerwa yekuvharwa mugwagwa kuMashava muna Chikunguru gore rino.

Chikowore naTakawira vakasungwa musi wa22 Chivabvu pane chimwe chipatara muHarare apo vaida kutaura nenhengo nhatu dzeMDC Alliance dzinoti Muzvare Joana Mamombe, Muzvare Cecelia Chimbiri naMuzvare Netsai Marowa idzo dzairapwa pachipatara ichi.

Vaviri ava vainzi vakatadza kutevedza mutemo weSocial Distancing izvo zvakazoita kuti vasungwe nemutikitivha, VaCollins Makore, avo vakazovatambidza kumapurisa ekuWaterFalls Police Station.

Asi vachipa mutongo wavo, mutongi Amai Kudzai Zihove, vati vachuchusi panyaya iyi vakatadza kuunza vafakazi vane humbowo hunoratidza kuti Chikowore naTakawira vakapara mhosva.

Vati painge pasina chikonzero chekusunga vatapi venhau ava sezvo vakatevedza zvose zvavainge vanzi vaite nemapurisauyewo vati vatapi venhau vanobvumidzwa kuita basa ravo panguva yeNational Lockdown.

Rimwe remagweta evaviri ava kubva kusangano reZimbabwe Lawyer for Human Rights, VaTonderai Batasara, vati nekuda kwekuti pange pasina humbowo mutongi aona zvakakodzera kurasa nyaya iyi.

Nyaya yaChikowore naTakawira yange iri kunzikwa vachibva kumba mushure mekunge vabhadhariswa mazana mashanu ezviuru nemumwe nemumwe semari yechibatiso.

Musi was 27 mwedzi wapfuura, mutori wenhau weNewsday kuBeitbridge, Rex Mphisa pamwe nemumwe mushandi weZimpapers, Charles Marerwa, vakawanikwa vasina mhosva nedare ramjisitiriti kuBeitbridge mushure mekusungwa musi wa15 Chivabvu vachipomerwa mhosva yekutyora mutemo wekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Mukuru weMedia Institute of Southern Africa Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati mitongo yematare edzimhosva iri kusimbisa nyaya inograrotaurwa neMISA Zimbabwe kuti hurumende inofabnira kusiya vatapi venhau vachiita basa ravo pasina kumbunyikidzwa.

Vatori venhau makumi maviri nevanomwe vakasungwa kana kushungurudzwa kubvira zvakatanga kuvharwa nyika senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Mune imwewo nyaya yanga iri mudare kuMasvingo, mutongi wedareremagisitiriti Muzvare Patience Madondo, varasa mhosva yanga ichipomerwa kanzura weMDC Alliance, VaGodfreyKurauone.

VaKurauone vanga vachipomerwa mhosva yekuratidzira nekuvhara mugwagwa kuMashava musi wa 31 Chikunguru

Vachitura mutongo wavo, Muzvare Madondovati vafakazi vedare vanova mapurisa vange vasina humbowo hwakakwana hunosungirira VaKurauone nemhosva yavanga vachipomerwa.

Vanga vachitungamirira chikwata chemagweta eZimbabwe Lawyers for Human Rights, pakutongwa kwenyaya iyi, VaMartin Mureri,vatsinhira kuti dare rawana VaKurauone vasina mhosva.

Mumwe wemagweta aya, VaPhillip Shumba, vati zvaingova pachena kuti VaKurauone vainenerwa mhosva yenhema uye vanotambira zvabuda mudare.

Vatsigiri veMDC Alliance vapinda mudare vatanga kuimba vachipemberera zvabuda mudare.

Nhengo yeMDC Alliance, Muzvare Alaika Taimu, vati vafara nemutongo wapihwa nedare.

Kunyange hazvo VaKurauone vawanikwqa vasina mhosva, vane imwe nyaya iri mudare ichatongwa musi wa 24 Gunyana iyo vanonzi vakapara muna Chikumi mushure mekuudza vagari vainge vakamirira bhazi reZupco kuti vari kutambudzwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakati ndivo vawondonga nyika.

VaKurauone vasangana nemhuri yavo mushure mekupedza mazuva makumi mana vari mujeri reMasvingo Remand.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG