Accessibility links

Breaking News

Dare Rozeya Chikumbiro chaVaNguwaya Chekuti Vabvisiswe Mari yeChibatiso


VaObadiah Moyo
VaObadiah Moyo

Mutongi wedare repamusoro, Justice Pisirai Kwenda, vati pane zvakavanzika panyaya yechibvumirano cheDrax-SAGL nekambani yehurumende yeNatPharm vachiti zvinoshamisa kuti hurumende iri kunyanyobatikana nenyaya yekuti muzvinabhizimisi amutsa mutauro munyika, VaDelish Nguwaya, vakanyepera hurumende kuti isaine chibvumirano ichi asi isingashushikane kuti chibvumirano ichi chemamiriyoni makumi maviri emadhora ekuAmerica chakaitwa pasingatevedzwe mutemo wekutengwa kwezvinhu weProcurement Act uye pasina Procurement Regulatory Authority of Zimbabwe iyo inoona nezvekutengwa kwezvinhu muhurumende nekambani ayo.

Justice Kwenda vataura mashoko aya mudare apo vange vari kuongorora nyaya yekuti dare raMagistrate rakapa mutongo kwawo here apo rakanyima VaNguwaya mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti vatongwe vachibva kumba panyaya dzavari kupomerwa.

VaNguwaya, avo vanomirira muZimbabwe kambani yekuSwitzerland yeDrax, vane nyaya mbiri dzekuti vakanyepera hurumende kuti kambani yavo yaigadzira mishonga izvo zvakaita kuti hurumende ipinde muzvibvimirano zviviri, zve$21 million ne$40 million emadhora ekuAmerica zvekuti Natpharm itenge mishonga kubva kuDrax.

Vachuchusi panyaya iyi vanoti dai VaNguwaya vasina kunyepa hurumende ingadai isina kupinda muzvibvumirano izvi sezvo yaida kushanda nekambani inogadzira mishonga kwete inotenga nekutengesa mishonga zvinotwa neDrax.

Vatiwo VaNguwaya, avo vanomira kambani yePapPharma yekuAlbania, vakambotsvaga basa kurumende rekutengesa mishonga vakatadza kuriwana sezvo kambani iyi yainge isingagadzire mishonga.

Vati mushure mekuziva kuti hurumende yaida kushanda nekambani inogadzira mishonga, ndipo pavakadzoka zvekare neDrax ndokunyepa kuti kambani iyi inogadzira mishonga izvo zvakaita kuti vapihwe basa.

Asi Justice Kwenda vati chinoshamisa ndechekuti sei basa iri rinokosha mari yakawanda kudai rakaitwa pasina kutevedzwa mutemo weProcurement Act nebumbiro remutemo wenyika.

Vati zviri pachena kuti zvisinei nekuti VaNguwaya vakanyepa zviri pachena kuti mutemo wekutenga hauna kutevedzwa uye ndiyo nyaya yakakosha apa.

Vati zviri pachena kuti pane zviri kuvanzwa nehurumende panyaya iyi.

Vachuchusi vaudza dare kuti zvekuti izvi zvakaitwa pasina kutevedzwa mutemo ndizvo zvakaita kuti gurukota rezvehutano, Dr Obadiah Moyo, pamwe nevamwe vakuru vakuru vatatu vekambani yeNatPharm vanoti Amai Nancy Sifeku, VaCharles Mwaramba naVaRolland Mlalazi, vasungwe nenyaya iyi.

Rimwe remwagweta aVaNguwaya, VaTafadzwa Hungwe, vaudza dare kuti nyaya yekuti mutemo wekutenga zvinhu hauna kutevedzwa handizvo zvingavanyimise mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti haraive basa ravo kuita izvi.

Vati samuzvinabhimisi chavo kutsvaga basa uye havashandi muhurumende zvekuti vangazive kuti chinofanira kuitwa chii pakutenga zvinhu.

Rimwe gweta ravo, VaAshely Mugiya, vati hapana chingaite kuti VaNguwaya vatize munyika kuti vasatongwa nekuti hapana mhosva yavakapara.

Asi mumwe wevachuchusi panyaya iyi, VaLancelot Mutsokoti, vaudza dare kuti kana vakabatwa nemhosva VaNguwaya vanogona kukandwa mujeri kwenguva yakareba nekudaro pane mukana mukuru wekuti vanogona kutiza munyika.

Vatiwo vavari kupomerwa mhosva navo vakaita saLlir Deja ari kunze kwenyika uye vanogona kuchengeta VaNguwaya kunze kwenyika sezvo vakatobhadharwa mamiriyoni maviri emadhora ekuAmerica nehurumende.

Asi magweta avo anoti vakazvipira kuti vabatise gwaro ravo rekufambisa kunamabharani wedare.

Justice Kwenda vati vanoda nguva yekumbozeya nyaya iyi vasati vapa mutongo wavo uye vati vachaita izvi musi weChitatu chinouya usati wadarika.

Nyaya yaVaNguwaya yakaputika nguva pfupi yapfuura mushure nekunge sangano remapurisa pasirose reInterpol ranyorera kuZimbabwe Republic Police richida kuziva hukama weDrax neNatPharm.

Huori uhu pakati peDrax neNatpham pamwe nebazi rehutano hwakatanga kuburitswa nebepanhau repaindaneti, reZim Morning Post.

Nyaya yaVaNguwaya yamutsa mutauro mukuru munyika sezvo vachifambidzana nevana vemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, Collins naShaun uye vachionekwa pamadandemutande vaina VaMnangagwa pamwe nemudzimai wavo, Amai Auxillia.

VaMoyo vari kutongwa vachibva kumba kwavo mushure mekubhadhara zviuru makumi mashanu zvemadhora semari yechibatiso.

Amai Sifeku, VaMlalazi naVaMwaramba vari kutongwawo vachibva kunze mushure mekubhadhara mari yechibatiso zviuru gumi zvamdhora pamunhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG