Accessibility links

Breaking News

Dare Ropa neChipiri Mutungo Waro paChikumbiro chaMuzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri


Joana Mamombe naCecilia Chimbiri In Hasmat Suit
Joana Mamombe naCecilia Chimbiri In Hasmat Suit

Mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joanna Mamombe, neimwe nhengo yebato ravo, Muzvare Cecelia Chimbiri, avo vave nenguva yakareba vari mujeri, vasvitsa chikumbiro kudare chekuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso vachiti pane zvashanduka kubva pavakanyimwa mukana uyu.

Muzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri vasvitsa chikumbiro kudare ramejasitiriti nhasi chekuti vapihwe mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo sezvo vachiti pane zvashanduka kubva pavakanyimwa mukana uyu nedare iri muna.

Kubudikidza nemagweta avo, VaCharles Kwaramba naVaJeremiah Bamu avo vanoshanda nesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights, vaviri ava vaudza dare kuti mumwe wavo avakasungirwa nyaya imwe chete naye uye ari mutungamiri wesangano revadzidzi reZimbabwe National Students Union, VaTakudzwa Ngadziore, vakapihwa mukana wekutongwa vachibva kumba nedare repamusoro.

Asi gweta rehurumende panyaya iyi, VaLancelot Mutsokoti, vati vaviri ava vanofanira kuramba vari muhusungwa vachiti hapana chachinja panyaya yavo sezvo vachiti nyaya imwe neimwe inobatwa yakazvimirira kupihwa kwakaitwa VaNgadziore mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare repamusoro hazvinganzi pane chashanduka panyaya yavo sezvo nyaya yaVaNgadziore yakaunzwa kudare yakazvimirira.

VaMutsokoti vati kutongwa kwevaviri ava pamhosva yavari kupomerwa yekunzi vakatyora mirawu yakadzikwa nehurumende mukuedza kurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kubudikidza nemusangano wavanonzi vakaita nevatori venhau panze pematare mwedzi wapera vachigun’una nekusungwa kwakanga kwaitwa VaMakomborero Haruzivishe kuchatanga musi waChivabvu 5.

Nokudaro, VaMutsokoti vati vaviri ava zvavave kuziva mus i uchatanga kutongwa nyaya yavo vanogona kusamirira kutongwa kana vakapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

VaHaruzivishe, avo vanove nhengo yekomiti yepamusoro yeboka revechidiki muMDC Alliance, vakatongerwa kugara mujeri kwegore nemwedzi miviri neChipiri mushure mekubatwa kwavakaitwa nemhosva yekukurudzira mhirizhonga gore rapera.

Mutongi wedare panyaya iyi, VaRichard Mangosi, vati vachatura mutongo wavo neChipiri svondo rinouya pachikumbiro chaMuzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri.

Mune imwewo nyaya, vashandi vehurumende vari pasi peboka reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, iro raimbozivikanwa nezita rekuti Apex Council, nhasi vaita musangano vakabvumirana kuti hupenyu hwawomera vashandi vehurumende zvekuti havachakwanisi kuenda kubasa mazuva ose.

Mutauriri wesangano iri, VaGibson Mushangu, vaudza Studio 7 mushure memusangano uyu kuti vabvumirana kuti kubva neMuvhuro zvichienda mberi vachange vasingaende kubasa mazuva ose vachiti mari yavari kutambiiriswa nehurumende haisisina chainokwana.

VaMushangu vati vabvumiranawo zvakare kuti vasvitse nhuna dzavo kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Zvichakadai, mutungamiri werimwe remasangano evarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakvafira Zhou, vanoti nhuna dzevashandi vehurumende dzinogadzirisika chete kana hurumende ikazvipira kusangagana nevashandi vayo ichitaura zvinhu zvinoita kuti huoenyu hwevashandi vayo hureruke.

Gurukota rezvevashandi, VaPaul Mavhima, vati vachatifonera sezvo vanga vachiti vari mumusangano asi pataenda pamhepo vanga vasati vafona. Asi VaMavhima vakaudza Studio 7 masvondo maviri adarika kuti nhaurirano chete ndidzo dzinoita kuti nhuna dzevashandi dzigadzirisike vachiti kuramwa mabasa kunodzosera nyika kumashure.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG