Accessibility links

Breaking News

Dare Rotura Mutongo Waro neChina paChikumbiro chaMuzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri


Joana Mamombe naCecilia Chimbiri In Hasmat Suit 2
Joana Mamombe naCecilia Chimbiri In Hasmat Suit 2

Dare redzimhosva riri kutarisirwa kupa mutongo waro neChina pachikumbiro chekubvisa mari yechibatiso chakaiswa mudare iri nemumiriri weMDC Alliance mudunhu reHarare West muNational Assembly, Muzvare Joanna Mamombe, pamwe nemutevedzeri wasachigaro wevechidiki muMDC Alliance, Muzvare Cecilia Chimbiri.

Mutongi wedare, VaStanford Mambanje, vati vachatura mutongo wavo mangwana, China, pachikumbiro chevaviri ava vachiti vazoshaya nguva yekunyora mutongo wavo.

Gweta raMuzvare Mamombe naMuzvare Chimbiri, VaCharles Kwaramba, vaudza dare kuti kusungwa kwakaita vaviri ava kunosvibisa zita rehurumende sezvo vaitozvibvira havo kunorapwa pavakasungwa.

VaKwaramba vati vasungwa ava, avo vari kupomerwa mhosva yekuzvidza mapurisa pamwe nekutyora mirawu yeCovid-19 Regulations, vakangopomerwa mhosva idzi kunyange hazvo mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vakaburitsa mashoko neMuvhuro ekuti vasungwa vainge vabatirwa nyaya ine chekuita nekuratidzira kwakange kwaitwa nedzimwe nhengo dzeMDC Alliance pamahofisi ehurumende eNew Government Complex.

VaKwaramba vati kuzopomerwa kwakaitwa vaviri ava mhosva dzavave kumiirwa mudare kunoratidza kuti hurumende iri kungotsvaga kuvashungurudza sezvo vachiti vaviri ava vainge vasipo panonzi pakaratidzirwa apa.

VaKwaramba vati izvi hazviratidze chimiro chakanaka chehurumende.

Vatiwo vasungwa ava vakaunzwa kudare nezuro vasainiswa mapepa ekupomerwa mhosva pamhosva yekutyora mirawu yeCovid-19 yakadzikwa nemutungamiri wenyika asi vakazoshamisika vave kupomerwa imwe mhosva yekuzvidza mapurisa vave pamatare iyo yavasina kumbenge vaudzwa nezvayo kana kusainira mapepa ayo.

Nokudaro, VaKwaramba vati izvi zvinoratidza pachena kuti vasungwa ava vaunzwa kudare zvisiri pamutemo.

Vaudzawo dare kuti mhosva yevaviri ava imhosva yakaunzwa kudare pasi pemutemo wakabviswa mumagwaro emitemo yenyika. Izvi zvinotevera kuvandudzwa kwakaitwa Statutory Instrument 83 of 2020 neumwe mutemo wakadzikwa nehurumende.

Asi muchuchisi wenyaya iyi, Amai Audrey Chogumaira, vaudza dare kuti vasungwa ava vanofanira kugara mujeri sezvo vane chidakadaka chekupara mhaka ivo vane nyaya dzakawanda dzichiri mumatare.

Amai Chogumaira vapikisa kuti vaviri ava vasapihwe mukana wekutongwa vachibva kumba kwavo sezvo vachigona kuramba vachingokoromora dzimwe mhosva.

Mutongi wedare ati achaturan mutongo wake mangwana sezvo ange ave kunzwa nyaya yaVaFredrick Mabamba avo vari kupomerwa mhosva yekubira vanhu vakawanda mari zhinji kuChitungwiza vachivatengesera masitendi ekanzuru zvisiri pamutemo.

VaMabamba, avo vanga vachisvitsa chikumbiro chekuti vatongwe vachibva kumba kwavo, vanzi naVaMambanje vadzoke kudare mangwana sezvo nguva dzanga dzapera.

VaMabamba vakasungwa nezuro neZimbabwe Anti Corruption Commission vachipomerwa mhosva yekutengesera vanhu nzvimbo dzekuvakira dzimba kuChitungwiza zvisiri pamutemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG