Accessibility links

Breaking News

Dare Rinorasa Chikumbiro cheVagari vekuChilonga


VaTendai Biti
VaTendai Biti

Dare repamusoro reHigh Court rarasa chikumbiro chevagari vekuChilonga kuChiredzi chekuti vasabviswe panzvimbo yavari.

Pamutongo wavakanyora nezuro ukaziviswa nhasi mutongi weHigh Court, VaJoseph Mafusire, varasa chikumbiro chevagari chekuti vasabviswe pavagere.

Vagari vanoti Va Livison Chikutu, VaPheneas Chitsange naVaAlbert Dhumela vainge vaendesa gurukota rezveminda, gurukota rezvematunhu, muchuchisi mukuru pamwe nemutumgamiri wenyika kumatare vachiti havaifanirwa kubviswa panzvimbo yavagere yeChilonga kuChiredzi.

Hurumende iri kuda kubvisa vagari vanosvika zviuri gumi nezviviri kuitira kuti nzvimbo iyi ipihwe imwe kambani inoita zvemukaka yeDendary kuitira kuti mombe dzayo dziwane mafuro.

Gweta revagari ava, VaTendai Biti, vati pamutemo havabvumirwe kutaura pamusoro penyaya yavaimirira, nokudaro vati titaure neZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Mutauriri weZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vati vachapikisa mutongo uyu sezvo vasiri kufara nawo.

Mukuru weCenter for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vati zvinosuwisa senyika kuti zvipfuyo zvinokosheswa kudarika vanhu.

Asi mukurasa chikumbiro chevagari ava, VaMafusire vati hurumende ndiyo inoziva zvainoda kuita nenzvimbo dzakagara vanhu ava uye nekuchinja mitemo. Vati pari zvino hurumende ine kodzero yekubvisa vanhu ava panzvimbo dzavagere.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG