Accessibility links

Breaking News

Zvigaro zvaVaBiti neVamwe Vavo Zvinonzi neDare reDzimhosva Hazvikwikwidzwe


Tendai Biti, the vice president of the opposition Movement for Democratic Change Alliance says Haruzivishe’s conviction on April 06, 2021 in Harare brought “a sad for Zimbabwe” as it reflects the selective application of the law in the southern African na

Dare repamusoro nhasi ratambira chikumbiro chenhengo nhanhatu dzedare reNational Assembly chekuti kumatunhu adzo hakufaniri kuitwa saruydzo dzema by-elections sezvo dzainge dzadzingwa mudare zvisiri pamutemo.

Nhengo idzi dzinoti VaTendai Biti vekuHarare East, VaWillias Madzimure vekuKambuzuma, VaSettlement Chikwinya vekuMbizo, VaKucaca Phulu vekuNkulumane, Sichelisile Mhahlangu naVaRegai Tsunga vekuMutasa South.

Vatanhatu avavainge vadzingwa mudare naVaBenjami Rukanda vaizviti munyori webato rePDP.

Asi dare rakati VaRukanda vainge vasina mvumo yekudzinga vatanhatu ava basa.

Asi kunyange hazvo paive nemutongo uyu, Zimbabwe Electoral Commission yakazivisa kuti nzvimbo idzi dzaifanira kuitwa ma by-elections musi wa26 Kurume sezvakatarwa nemutungamiriri wenyika.

Mumwe wevatanhatu ava, VaWillias Madzimure, vanoti maConsituency avo ange asingafanire kugara ataurwa nezvawo nekuti ane vanhu kare.

Hatina kukwanisa kubata veZEC kuti tinzwe dzivi ravo panyaya iyi.

Vanhu vari kupinda muma by-elections aya vanofanira kunyoresa neZEC mangwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG