Accessibility links

Breaking News

Dare reDzimhosva Rinopa VaBiti Pasipoti Yavo


VaTendai Biti
VaTendai Biti

Mutevedzeri wasachigaro muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaTendai Biti, vapihwa neChitatu gwaro ravo rekufambisa pamwe nemagwaro emba yavo mushure mekunge dare ratambira chikumbiro chavo chekuti varerutsirrwe zvavakatarirwa nedare kuita apo nyaya yavari kupomerwa inenge ichitongwa.

Mutongi wedare ramajesitireti, Amai Gloria Takundwa, vapa mutongo uyu mushure mekunge magweta aVaBiti akwidza chikumbuiro kudare chekuti rirerutse zviga zvakatemerwa VaBiti.

Magweta aVaBiti achitungamirirwa naAmai Beatrice Mtetwa audza dare kuti VaBiti vanofanira kupihwa gwaro ravo rekufambisa kuti vakwanise kunorapwa kunze kwenyika.

Atiwo kubvira pakatanga nyaya yavo, VaBiti vakatombubuda munyika vakaenda kuUganda vachiita basa reparamende vakadzoka uye havana kana kumbotyora kana chiga chimwe zvacho kubva pakatanga nyaya yavo.

Atiwo VaBiti semunhu wezvamatongerwo enyika, vanofanirwa kubvumidzwa kuita basa ravo pasina kumbunyikidzwa.

Muchuchusi panyaya iyi, VaTafadzwanashe Mpariwa, vabvuma kuti VaBiti vapihwe magwaro avo ekufambisa vachiti magweta avo aratidza pachena kuti VaBiti munhu avakambika uye vanofanira kupihwa magwaro avo ekufambisa kuti vanorapwa kunze kwenyika pamwe nekuti vafambe nekufara nevamwe pakisimusi.

Vatiwo vanoda kuti VaBiti vadzoke vakasimba vari mutano pachatanga kunzikwa nyaya yavo musi wa21 Ndira gore rinouya.

Rimwe remagweta aVaBiti, VaAlec Muchadehama, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vafara nemutongo wedare pane, zvimwe zvisina kuvafadza.

Vati dai dare ravabvumidza kuti varambe vachiita basa ravo rezvematongerwo enyika.

Amai Mtetwa vange vaudza dare kuti chiga ichi chibviswe sezvo chakaiswa sezvo imwe mhosva yaipomerwa VaBiti yekukonzera mhirizhonga yainge isisiri pamberi pedare.

Asi VaMpariwa vati nyaya iyi haisati yabviswa pamberi pedare uye vanoda kuti nyaya iyi ipatsanurwe kubva pane nyaya mbiri dziri kupomerwa VaBiti kuti vagonotongwa panyaya yemhirizhonga nevamwe vanhu vasina kudomwa.

Asi VaMuchadehama vati nyaya iyi hasisiri pamberi pedare saka havangataure nezvayo.

VaBiti vari kupomerwa mhosva yekutyora mutemo wezvesarudzo weElectoral Act, asi vari kuramba mhosva iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG