Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti VaMawarire Vane Mhosva Inofanirwa Kunzwikwa neMatare


Pastor Evan Mawarire
Pastor Evan Mawarire

Mutongi wedare ramejasitiriti, Amai Lucy Mungwari, varasa chikumbiro chakasvitswa nemagweta aVa Evan Mawarire chekuti VaMawarire vasamiswe pamberi pedare vachipindura mhosva yavari kupomerwa yekuronga zvekupidigura hurumende vachiti mhosva iri kupomerwa VaMawarire haina musoro.

Mutongi wedare ati zvasvitswa kudare nemuchuchisi wenyaya iyi, VaMirirai Shumba, zvekuti mashoko aVaMawarire ndiwo akakonzeresa kuti pave nekuratidzira munyika zvine musoro nekudaro pakutongwa kwenyaya iyi dare richatarisa kuti mashoko akaburitswa paFacebook naVaMawarire vaine mutungamiri wesangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, anogona kukonzera kupidigurwa kwehurumende here kana kuti kwete.

Rimwe remagweta aVaMawarire, Amai Beatrice Mtetwa, vati havasi kufara nemutongo waturwa nedare izvo zvatsinhirwawo nerimwe gweta ravari kushanda naro, VaTonderai Bhatasara.

VaBhatasara vatsinhirawo zvakare mashoko aAmai Mtetwa ekuti magweta pamwe nevasungwa vakasungirwa kuratidzira, havasi kufara nemabatirwo avari kuitwa nematare.

Zvichakadai, mumwe mutongi wedare remejasitiriri, VaFrancis Mapfumo, varasa chikumbiro chevanhu makumi matanhatu nemumwe chete vakasungwa zvichitevera kuratidzira kwakaitika muHarare uko kwakaitikawo kune dzimwe nzvimbo munyika yose vachiti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika zvingangoita kuti vasungwa ava vapare dzimwe mhosva zvakare.

Vasungwa ava vari kupomerwa mhosva dzekuita mhirizhonga, kupisa motokari dzemapurisa pamwe nekupwanya kamba yemapurisa mumusha weEpworth.

Mune imwewo nyaya, hurumende nhasi yadzinga vatori venhau vekambani yenhau yeENCA yekuSouth Africa vanoti Aldrin Simpear naLinge Ndabambi pavasvika panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport.

Vatori venhau ava vanga vauya kuzotora nhau dzezviri kuitika munyika pari zvino.

Mumwe wevatori venhau ava, Aldrin Simpear, audza Studio7 parunhare ava kuSouth Africa kuti vaudzwa nehurumende pavasvika panhandare iyi kuti vatori venhau vekunze havasi kubvumidzwa munyika pari zvino.

Hatina kukwanisa kutaura nemunyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, pamwe negurukota rebazi iri, Amai Monica Mutsvangwa, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG