Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoramba Kurasa Nyaya Iri Kupomerwa VaSikhala


Job Sikhala
Job Sikhala

Hurumende yapikisa chikumbiro chemutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, uye vari mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, chekuti nyaya yavari kupomerwa yekukurudzira kuti munyika muratidzirwe zvine mhirizhonga mukati, iraswe.

Muchuchisi wenyaya iri kupomerwa VaSikhala, VaGarudzo Ziyadhuma, vati VaSikhala vane nyaya yavanofanira kupindura vachiti chikumbiro chemagweta aVaSikhala chekuti nyaya iyi iraswe, hachina kufanira.

VaZiyaduma vati mashoko akashandiswa naVaSikhala anokurudzira mhirizhonga.

VaZiyaduma vaudza dare kuti mashoko akashandiswa mumavhidhiyo avanoti vanawo ezvinonzi zvakataurwa naVaSikhala vachikurudzira kuti veruzhinji varatidzire zvine mhirizhonga mukati anoratidza kuti vaida kuti veruzhinji varatidzire zvine mhirizhonga zvaizokonzera kusagadzikana munyika.

Asi gweta raVaSikhala, VaEric Matinenga, vati hurumende yaifanira kuburitsa mavhidhiyo aya pachena ivo pamwe chete nemutongi voaonawo kwete kuti hurumende inoviga humbowo hunofanira kunge huri pamberi pedare.

VaMatinenga vati kunyange mavhidhiyo aya akaunzwa mudare, zviri mumapepa ekupomera VaSikhala mhosva hazviratidze kuti pane mhosva yavakapara vachiti bumbiro remitemo rinobvumidza vanhu kuratidzira, uye VaSikhala, semunhu anoita zvematongerwo enyika nekurwira kodzero dzevanhu vanobvumidzwa zvakare kutaura zvematongerwo vachizviita zviri pamutemo.

Zvasvitswa kudare naVaMatinenga zvatsinhirwa nerimwe remagweta aVaSikhala, VaJerimiah Bamu.

Mutongi wedare, VaLanzini Ncube, vati vachatura mutongo wavo panyaya iyi mangwana.

Zvichakadai, mudare manga muine nhengo dzeZanu Ndonga, Zimbabwe People First pamwe neMultiracial Christian Democrats dzanga dzauya kuzonzwa nyaya yaVaSikhala.

Mutungamiri webato reMultiracial Christian Democrats, VaMathias Guchutu, vati havasi kufara nekusungwa kuri kuitwa vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevezvematongerwo enyika vakaita saVaSikhala.

Nyaya isati yatanga kunzwikwa, rimwe gweta rine mukurumbira, Amai Beatrice Mtetwa, vamborambidzwa kupinda pamatare nemapurisa anorwisa mvongamupopoto asi vazobvumidzwa zvavo mushure mekupopotedzana kwavaita navo.

Mamwe mapurisa anga achinetsana naAmai Mtetwa atataura nawo ati vanga vachizadzisa mutongo wakaturwa nedare wekurambidza Amai Mtetwa kuti vamirire mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, mudare pamhosva yaari kupomerwa yakafanana neyaVaSikhala.

Amai Mtetwa vazokwanisa kupinda mudare apa mushure mekunge varatidza mumwe anoshandira pamatare apa ari kuJudicial Services Commission magwaro avo ebasa.

Rimwe gweta rine mukurumbira, VaLovemore Madhuku, vashora zvaitwa nemapurisa izvi vachiti mutongo wakaturwa nedare hautadzise Amai Mtetwa kuita basa ravo rehugweta.

Mamwe masangano emuno neekunze anoita nezvemitemo pamwe nekodzero dzevanhu akaburitsa gwaro achitsoropodzwa kushungurudzwa kwaanoti kuri kuitwa Amai Mtetwa pamwe nemutongo wakaturwa nedare wekuvarambidza kumirira Chin’ono mudare vachipomerwa mhosva yekunzi vakanyora paFacebook vachitaura nezvenyaya yaChin’ono iyo nyaya iyi ichiri mudare.

Asi Amai Mtetwa vakaramba mhosva iyi mudare vachiti havasi paFacebook uye peji rakanyorwa zvavari kunzi ndivo vakanyora, harisi ravo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG