Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoti Muzvare Mamombe Havafanirwe Kuongororwa neMumwe Chiremba


Joanna Mamombe
Joanna Mamombe

Dare ramejasitiriti remuHarare rarasa chikumbiro chekuti mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joana Mamombe vaongororwe pfungwa zvakare neumwe chiremba.

Mutongo wedare ramejasitiriti, Muzvare Bianca Makwande, varasa chikumbiro chemuchuchisi wehurumende panyaya iyi, VaMichael Reza, chekuti Muzvare Mamombe vanoongororwa pfungwa nemumwe chiremba wehurumende wechitatu.

Chikumbiro chaVaReza chakauya mushure mekunge ana chiremba vaviri vehurumende vaongorora Muzvare Mamombe vakati Muzvare Mamombe vanofanira kutanga varapwa vasati vatanga kutongwa.

Mutongo wedare ati hapana chikonzero chinonwisa mvura chekuti Muzvare Mamombe vanoonekwa nemumwe chiremba wechitatu wehurumende sezvo zvakaonekwa nanachiremba vehurumende vaviri ava zvakangofanana.

Rimwe remagweta aMuzvare Mamombe, VaAlec Muchadehama, vatsinhira zvaturwa nedare.

Mutongi wedare ati Muzvare Mamombe nevamwe vavo; Muzvare Cecelia Chimbiri naMuzvare Netsai Mamombe, vadzoke kudare musi waMbudzi 16.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, nhengo yeMDC Alliance uye vari meya vedhorobha reChitungwiza, VaLovemore Maiko, vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekushandisa chinzvimbo chavo zvisiri izvo.

VaMaiko vanonzi vakakonzeresa kuti vashandi vekanzuru yavo vamire kupwanya dzimba dzakavakwa zvisiri pamutemo mudhorobha reChitungwiza izvo zvinonzi nehurumende zvaipikisana nezvakanga zvapasiswa nebazi rinoona nezvematunhu kuti dzimba idzi dzipwanyiwe. Pataenda pamhepo nyaya iyi yanga ichiri kunzwikwa mudare.

Zvichakadai, vamwe vechidiki vashanu vanonzi vakaita mhirizhonga pamuzinda weMDC paMorgan Tsvangirai House svondo rapera zvichitevera kurwidzana kuri kuita zvikwata zveMDC mudhuri uyu kubudikidza negakava riri mubato iri, vabhadhariswa madhora chiuru pamunhu semari yechibatiso.

Vamwe vasere vanosanganisira VaPaul Gorekore avo vakambotora muzinda uyu vanga vari pamberi pedare kekutanga pataenda pamhepo vakatarisanawo nemhosva imwecheteyo yekunzi vakaita mhirizhonga pamahofisi eMDC aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG