Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoramba Kutambira Chikumbiro Chekuti Mhosva Iri Kupomerwa VaSikhala, Iraswe


MP Sikhala in court

Dare ramejasitiriti remuHarare raramba kutambira chikumbiro chemutevedzeri wasachigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, chekuti mhosva yavari kupomerwa yekukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati, iraswe.

Vachitura mutongo wavo, mutongi wedare ramejasitiriti, VaLanzini Ncube, vati mashoko emuchuchisi wenyaya iyi, VaGarudzo Ziyadhuma, ekuti pane fungidziro izere yekuti Sikhala vane mhosva yavakapara, avagutsa.

VaNcube vati mashoko anonzi akataurwa mumavhidhiyo ari kutaurwa nehurumende ekuti vanogona kurwisa chero ani zvake muhurumende vachiti havatye, mashoko anoratidza kuti vari kutoda zvehondo vachiti mashoko anogona kukokonzera kusagadzikana munyika.

Vati kunyange muchuchisi wenyaya iyi asina kuunza mavhidhiyo aya kudare, zviri mumapepa emhosva zvinoratidza kuti VaSikhala vane mhosva yavakapara. Nokudaro, VaNcube vati VaSikhala vanofanira kumiswa pamberi pedare vachitongwa nemhosva yavari kupomerwa.

Rimwe remagweta aVaSikhala, VaJeremiah Bamu, vati havana kufara nemutongo waturwa nedare.

Mudare manga muine mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, munyori mukuru mubato iri, VaCharlton Hwende nevamwe.

VaChamisa vati havasi kufara nehudzvanyariri hwave munyika hwavaenzanisa nenguva ye apartheid yekuSouth Africa. Vati zvinosuwisa kuti vatori venhau, vezvematongerwo enyika pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu vave kugara vachishungurudzwa nehurumende.

Zvichakadai, mutongi wedare aturawo zvakare mutongo wekuti VaSikhala vapihwe mukana wekupihwa mvura, mishonga yavo yeBP nezvekudya nemagweta avo kujeri mushure mekunge vekumajeri vanzi vanga vachiramba kuti vapihwe zvinhu izvi.

Magweta aVaSikhala anoti ari kutyira hupenyu hwaVaSikhala sezvo vakatyisidzirwa nerufu nemukuru wepajeri reChikurubi, VaGeorge Mutimbanyoka.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remajeri panyaya iyi.

VaSikhala vari kudzokera zvakare mudare neChina apo chikumbiro chekuti vatongwe vachibva kubva kumbakwavo mushure mekubvisiswa mari yechibatiso chiri kunzwikwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG