Accessibility links

Breaking News

Musatore Mativi, Mutongi Anoudza ZBC neZimpapers


ZBC
ZBC

Bato guru rinopikisa reMovement for Democractic Change ratambira mutongo wedare, reHigh Court, wekuti makambani enhau ehurumende, eZimpapers neZimbabwe Broadcasting Corporation, akatyora bumbiro remitemo yenyika nekuita basa rawo akarerekera kuZanu PF.

Vachitaura pamusoro pemutongo wakapihwanaJustice Joseph Mafusire mudare High Court kuMasvingo nemusi weChitatu panyaya yakwakwidza kudare iri ne Fitinne Trust nevamwe vaviri, mutevedzeri wemutauriri weMDC, VaLuke Tamborinyoka, vati mutongo uyu unotsinhira zvavagara vachitaura pamusoro peZBC neZimpapers.

Asi vati chakakosha pari zvino kuona kuti mitemo yezvekutapwa kwenhau yavandudzwa kuitira kuti makambani akaita seZBC neZimpapers ashande achitevedza bumbiro remitemo yenyika.

Gweta musangano reMedia Insitute of Southern Africa- Zimbabwe, VaKuda Hove, vaudza Studio 7 kuti vari kufara chose nemutongo uyu nekuti ndozvavagara vachitaura nekurwira kuti ZBC ishande isina divi rayakarerekera.

VaHove vati mutongo uyu wasimbisa shoko ravo uye vachaushandisa mubasa ravo rekukurudzira kuvandudzwa kwemitemo yezvekutapwa kwenhau kuti ienderane nebumbiro remitemo yenyika.

Asi vati pachine mutoro kuti pave neshanduko pamashandiro emakambani

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumutauririri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika, uye vari nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chiramhanzu, vaudza Studio 7 kuti sarudzo hadzihwinwe nekutibato rapihwa mukana wekutaura pachivhititi.

Vatiwo bato ravo haritevedze mitongo yematare edzimhosva kuti rikunde musarudzo, asi kuti rinotsvaga rutsigiro kune veruzhinji.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaBekezela Gumbo, vaudza Studio7 kuti kunyange hazvo mutongo uyu wakanaka chose hauna zvauchabatsire nekuti sarudzo dzakatopera uye hauna zvauchasandura.

Vati mitongo yaakaita seuyu inofanira kuitwa sarudzo dzisati dzaitwa kuti ive nechekuita nesarudzo dzinenge dzichiitwa munyika

VaGumbo vatiwo veruzhinji havafaniri kufara zvakanyanya vachiti hurumende inozikanwa zvikuru nenyaya dzekusatevedza mitongo yematare edzimhosva.

Kunyange hazvo vasina kutaura zvakanyanya kuZBC neZimpapers, mumutongo wavo Justice Mafusire vakati makambani ya anofanira kutevedza zvinodiwa nebumbiro remitemo.

Masango mazhinji emuno neekunze akaongorora sarudzo akaburitsawo kuti ZBC neZimpapers dzaita basa dzakarekerera kurimwe bato izvo zvakakanganisa mafambiro nezvakabuda musarudzo.

Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vakatoudza paramende kuti hurumende ichagadzirisa zvimwe zvakataurwa nemasangano aya kuti sarudzo dzinouya dzisaite mutauro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG