Accessibility links

Breaking News

Dare Rinoudza Madhokotera Kuti Adzokere Kunoita Basa


Zimbabwe Abduction

Dare rinotonga nyaya dzevashandi nevashandirwi rinoti vana chiremba vasiri kuenda kubasa vanofanirwa kudzokera kubasa mukati memaawa makumi mana nemasere sezvo zvavari kuita zvisiri pamutemo.

Vatongi vedare reLabor Court, VaRodgers Manyangadze, pamwe chete naVa Lawrence Murasi, vapa vana chiremba ava mazuva maviri kuti vadzokere kumabasa.

Dare iri ratiwo kusawirirana kuripo pakati pavana chiremba nehurumende kunofanirwa kuenda kumuyananisi kuitira kuti agadzirise nyaya iyi mukati memazuva gumi nemana.

Vakasanobata chigaro chemutevedzeri wemutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors' Association, Doctor Masimba Ndoro, vati zvisinei nemutongo wapiwa uyu, vana chiremba havana zvikwanisiro zvekuti vaende kumabasa.

Vachibvunzwa neStudio7 kuti havatye here kuzopererwa nemabasa vakasateerera zvarehwa nedare, Dr. Ndoro vati vashandirwi vanofanirwa kuita zvinoita kuti vashandi vadzokere kumabasa.

Gweta reZimbabwe Hospital Doctors' Association, VaDoug Coltart, vati havawirirani nezvabuda mudare asi vachaongorora zvikonzero zvaiswa nedare.

VaColtart vatiwo vane mukanwa wekukwidza nyaya yavo kudare repamusoro soro vachipikisa mutongo uyu kana vana chiremba vakada kutora danho iri.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi regurukota rezvehutano, Dr. Obadiah Moyo, pamwe nesangano reHealth Services Board,

Vana chiremba vakatanga kuramwa mabasa musi wa 3 Gunyana vachiti havana zvikwanisiro zvinoita kuti vaende kumabasa.

Vana chiremba vakuru vaive vasara pamabasa vakakandawo mapadza pasi China chesvondo rapera vachinyunyutawo nenyaya dzemihoro pamwe nemamiriro akaita zvinhu kuzvipatara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG