Accessibility links

Breaking News

Dare Rosungisa Mupurisa Ari Kuita Hufakazi Pari Kutongwa Chikowore naTakawira


Frank Chikowero and Samuel 3
Frank Chikowero and Samuel 3

Kutongwa kwenyaya yevatori venhau, Frank Chikowore naSamuel Takawira, avo vari kupomerwa mhosva yekutadza kutevedza mutemo wekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, kwatadza kuenderera mberi mudare remejasiteriti kuMbare mushure mekunge vafakazi panyaya iyi vatadza kuuya kudare vachinzi vange vari kurwara.

Vafakazi panyaya iyi vanoti mutikitivha, VaCollin Makore pamwe nemumwe mushandi mukuru wepachipatara cheParktown Hospital, apo pakasungirwa Chikowore naTakawira, VaStuart Efraim, vatadza kuuya kudare vasina kuzivisa dare izvo zvaita kuti mutongi panyaya iyi, Amai Kudzai Hove, vape masamanisi ekuti vaviri ava vasungwe nemhosva yekuzvidza dare kana kuti maWarrant of Arrest pachirungu.

Zvaitwa nevafakazi izvi zvatadzisa kuti nyaya iyi ienderere mberi uye yave kutarisirwa kuenderera mberi musi wa29 Chikunguru.

Gweta raChikowore naTakawira, VaPaidamoyo Saurombe, vaudza Studio 7 kuti vaenda vakagadzirira asi hapana chafamba sezvo vafakazi vange vasipo.

Chikowore naTakawira vakusungwa musi wa22 Chivabvu kuParktown Hospital vachinzi vainge vapinda muchipatara ichi zvisina mvumo.

Vainzi vaida kunoita hurukuro sevatori venhau naMuzvare Mamombe, Muzvare Netsai Marova naMuzvare Cecilia Chimbiri vanove nhengo dzeMDC Alliance avo vanoti vakapambwa vakashungurudzwa nevanofungidzirwa kuti vasori.

Asi hurumende iri kuramba kuti vatatu ava vakapambwa.

Vaviri ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Mukuru wesangano reMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vati kunyange hazvo vasingapinde panhanga nyaya dzematare vanoshushikana kuti vatori venhau vanoramba vachishungurudzwa panguva ino kunyange hazvo vari vamwe vevashandi vanoita basa rakakosha panguva ino yedenda reCovid-19.

VaMoyo vaudza Studio 7 kuti sezvo hurumende iri kuronga kusimbaradza hurongwa hwekudzivirira kupararira kweCovid-19, vanotyira kuti zvinogona kuwedzera kushungurudzwa kwevatori venhau munyika.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaudza Studio 7 kuti havangataure nezvenyaya dziri pamberi pematare uye vachataura nezvadzo chete kana dzichinge dzapera kumatare.

Pane vatapi venhau vanodarika gumi nevatanhatu vakasungwa kubvira pavharwa nyika nekuda kweCovid-19 muna Kurume.

Vatapi ava vanosanganisira mutori wenhau weStudio7 anoshandira kuMasvingo, Godfrey Mtimba, uyo akasungwa kutanga kwemwedzi achipomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiriri wenyika uye anotairisirwa kumiswa pamberi pedare nguva ipi zvayo.

Mtimba aiita basa rake uye akatoburitsa magwaro ake ebasa apo akasungwa nemapurisa

KuBeitbridge mutori wenhau weNewsday, Rex Mphisa, pamwe neanotengesa mapepanhau kuZimpapers, Charles Marerwa, vari kutongwa nemhosva yekuti vakatyora mutemo une chekuita nekudzvivirira kupararira kweCovid 19 kunyange hazvo bazi rezvekuburitswa kwemashoko nedare repamusoro zvakati vatori venhau vanobvumirwa kushanda panguva ino nyika yakavharwa sezvo vachiita basa rakakosha.

KuChinhoyi, mumwe mutori wenhau weStudio7, Nunurayi Jena, ari pamberi pematare nekuda kwemhosva imwe cheteyo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG