Accessibility links

Breaking News

VaMavhunga naVaMafararikwa veMDC Alliance Vanomiswa Mudare Vari Mumibhedha Yavo Muchipatara cheParirenyatwa


Kumbirai Mafunda from the Zimbabwe Lawyers for Human Rights says is hopeful that the high court will release the activists on bail, June 3, 2019.

Dare redzimhosva ramanikidzwa nhasi kuenda kuchipatara cheParirenyatwa kunonzwa nyaya iri kupomerwa vechidiki vaviri ve MDC Alliance vanoti VaLengwani Mavhunga naVaMunyaradzi Mafararikwa sezvo vaviri ava vatadza kuenda kudare ramajesitireti nepamusana pekukuvara kwavanot vakaita vari mumaoko emapurisa.

Vaviri ava vakasungwa nemapurisa nemusi weChina pamhirizhonga yakaitika panze pedare pakati pemapurisa nevanhu vainge vakaungana vachitsigira mutevedzeri wasahigaro weMDC Alliance, VaJob Sikhala, avo vaive nenyaya yaive mudare.

Dare ramajesitireti rinonzi rakomekedza hurumende kuti iferefete zvakadzama kutochwa kwakaitwa vaviri ava vari mumaoko emapurisa kubva musi wavasungwa.

Dare rinonzi riri kutarisirwa kupa mutongo waro wekuti vaviri ava vopihwa here kana kunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nemusi weChipiri.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kudivi remapurisa panyaya iyi sezvo mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vanga vasingabatike panharembozha yavo.

Mutauriri wemagweta ari kumirira vaviri ava, eZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaKumbirai Mafunda, vanoti sangano ravo riri kushushikana zvikuru nekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevasungwa apo vanenge vari mumaoko emapurisa.

VaMafunda vanoti sezvo VaMavhunga naVaMafarikwa vamiswa pamberi pedare raitwa muchipatara, mapurisa anofanirwa kuhisiyira vekumajeri kuti vachengetedze vaviri ava.

Vanotiwo VaMavhunga vakamwayiwa kumeso kwavo nezvinhu zvichena zvisingazivikanwe kuti zvii apo vainge vakachengetedzwa muhusungwa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kudivi remapurisa panyaya iyi sezvo mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vanga vasingabatike panharembozha yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG