Accessibility links

Breaking News

Mauto Opidigura Hurumende neChisimba


Mukuru wemauto, VaConstantino Guvheya Chiwenga
Mukuru wemauto, VaConstantino Guvheya Chiwenga

Mauto munyika apidigura hurumende yaVaRobert Mugabe, kunyange hazvo mauto aya azivisa mambakwedza anhasi kuti haana kubvuta masimba, asi kuti ambobata matomu senzira yekugadzirisa zvinhu munyika.

Mumwe mukuru wemauto, averenga mashoko emauto panhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC, Major-General Sibusiso Moyo, vazivisa kuti mauto ndiwo ave panyanga.

Mauto aya azivisa kuti VaMugabe nemhuri yavo havasi munjodzi, vakachengetedzeka, uye haasi kunangana naivo, asi kuti vakanangana nevakavakomberedza avo vari kuti vari kupara dzimhosva.

Major-General Moyo vakurudzirawo madzishe ose emunyika kuti vatungamire vanhu vavo zvine hungwaru.

Vatongi vematare edzimhosva vanzi vachabvumidzwa kushanda vakasununguka, uye nhengo dzeparamende dzanzi dzinofanirwa kushanda mumatunhu adzo sezvadzagara dzichiita.

Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vasafambafamba, asi vanoenda kumabasa vanofanirwa kuenda vonoshanda vakasununguka.

Major-General Moyo vati mumashoko avo, vanoda kuti vana veZimbabwe vasununguke uye kodzero dzavo dziremekedzwe.

Vemapato ezvematongerwo enyika vakurudzirwawo kuti nhengo dzavo kuti dzisaita zvemhirizhonga.

Vechidiki, avo vanzi remangwana renyika riri mumaoko avo, vakurudzirwawo kuti vasanyengedzwa nemari dzakasviba, uye vanofanirwa kunge vakagadzikana.

Vemachechi vanzi nemauto vanamatire nyika uye vaparidze runyararo, rudo nekubatana.

Major-General Moyo vasimbisawo kune ruzhinji pamwe nenyika dzekunze kuti uku hakusi kupidigura hurumende asi kuti kupomhodza zvinhu zvanga zvisisina kugadzikana munyaya dzezveupfumi, matongerwo enyika, pamwe nemagariro evanhu, izvo vati kana zvakasagadziriswa zvinoguma zvasvitsa nyika mukusagadzikana.

Vakarwa hondo yerusununguko vari kukurudzirwawo kuti vaone kuti munyika mune runyararo, kugadzikana uye kubatana.

Mumwe wevakarwa hondo yerusununguko, Honourable Retired Major Mhandu vanoti zvaitwa izvi zvakakodzera sezvo zvichigadzirisa mamiriro ezvinhu munyika.

Hurukuro naHonourable Retired Major Cairo Mhandu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG