Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti Makanzura Akakosha Zvikuru


Masvingo Local Government Report

Veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vakosheshe sarudzo dzemakanzura kuburikidza nekusarudza makanzura anogona kuita basa nemazvo sezvo budiriro yenyika ichitangira nemumakanzuru.

Mashoko aya abuda pakuparurwa kwe ongororo yakaitwa neMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance ichishanda nemamwe masangano evagari, iyo inoratidza kuti vanhu vazhinji munyika vanokoshesa sarudzo dze paramende neyemutungamiri wenyika kudarika dzemakanzuru.

Zvinonzi vanhu vakawanda munyika vanofunga kuti budiriro inobva kuparamende asi iko kuchigadzirwa mitemo apo budiriro yekuvakwa kwemigwagwa, dzimba, kuwanikwa kwemvura yakachena mumadhorobha zvichiitwa nemakanzuru.

Vachitaura pakuparura ongororo iyi, Muzvinafundo Davison Muchadenyika, avo vakashanda neMURRA nemamwe masangano mukuita tsvakiridzo iyi, vanoti pasarudzo dziriko mwedzi unouya, vanhu vanofanirwa kukurudzirwa kukoshesa kusarudza makanzura ane ruzivo nezvekufambiswa kwebasa mumakanzuru kuitira kuti budiriro ivemo munyika.

Mumwe wevatauri vange vachiongorora zvakabuda mutsvakiridzo iyi, uye vari mutungamiri weProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, vati dambudziko nderekuti vanhu vanokoshesa zvisina kukosha pasarudzo.

Gweta rinoshanda riri kuMasvingo, Muzvare Lucy Chivasa, vanoti vanhu vazhinji havana ruzivo rwemabasa emakanzura nenhengo dzeparamende, nekudaro vanoda dzidziso kuti vazive kuti kanzuru ndiyo musimboti webudiriro.

Ongororo iyi, iyo inonzi Local Government Elections Survey Report, inoratidza kuti vanhu zvikamu makumi mashanu kubva muzana munyika vanoti mapato ezvematongerwe enyika mazhinji haakoshesi sarudzo dzemakanzura sezvavanoita dzeparamende neyemutungamiri wenyika.

Izvi zvinonzi zvinoita kuti mapato aya angomirirwa nevanhu vasina ruzivo rwezve kufambisa basa remakanzuru izvo zvinokanganisa budiriro munyika.

Ongororo iyi inoratidza zvakare kuti zvikamu makumi manomwe kubva muzana zvevanhu munyika, kana vachisarudza makanzura, havatarisi kuti vanogona here basa, asi kuti vanotarisa kuti vabva kubato ripi rezvematongerwe enyika.

Meya weguta reMasvingo, VaHubert Fidze, vati ongororo iyi yabuditsa pachena zvakakosha zvinofanirwa kuzivikanwa nemunhu wese.

Ongororo iyi inotiwo vanhu zvikamu makumi matanhatu nezvishanu kubva muzana, vanofunga kuti sarudzo dziriko munyika mwedzi unouya dzinenge dzisina kuchena vachiti Zimbabwe Electoral Commission ine divi rayakarerekera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG