Accessibility links

Breaking News

Vemakereke Voyambira ZEC Kuti Iite Basa Rayo Pachena


Rev Dr Kenneth Mtata

Sangano reZimbabwe Council of Churches (ZCC) rinoti ranyorera tsamba kuZimbabwe Electoral Commission (ZEC) richiikuridzira kuti iite basa rayo zvakachena.

Munyori weZCC, Reverand Doctor Kenneth Mtata, vanoti sangano ravo rinoda kuti ZEC iudze vanhu zvavanoda kuziva uye kuti itsanangure pese panenge pachidiwa kujekeswa.

Doctor Mtata vanoti zvakaitika svondo rapera pakuvhota kuBulawayo zvakashatirisa vanhu vazhinji nekuti mapurisa aitaura zvakasiyana neZEC pamusoro pekuvhota kwakaitwa.

Doctor Mtata vanotiwo ruzhinji rwevanhu runofanira kuremekedza ZEC nekuti irikuita basa guru uye rinokosha.

Vanotiwo sangano ravo harisi kufara nekuona kusawirirana kwevanhu vemapato akasiyana siyana vachiti vanhu vanofanira kupana mikana yekutaura pamusoro pemapato avanotsigira pasina kurwisana.

“Patakatanga nyaya yekugadzirira sarudzo iyi, zvinhu zvese zvaiita sekuti zvirikufamba zvakanaka. Kwaiita sekuti vanhu vanonzwisisana. Taifara chaizvo kuti kutaurirana kwataiita nevamapato ezvematongerwo enyika kwakange kuchifamba zvakanaka. Asi mazuva apfuura aya, tinoona kuti kunze kwave kupisa zvishomanana," Doctor Mtata vakaudza Studio7.

"Matauriro achinja uye kusagamuchirana kwava kuonekwa uye zvave kuenda zvichioma. Mataurirwo anoitwa Zimbabwe Electoral Commission zvoita sekuti chinhu chisina maturo."

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG