Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Council of Churches Inokurudzira Hurumende Kuti Isapfura Vanhu Vanoratidzira


Sangano reZimbabwe Council of Churches, ZCC, rinoti mauto nemapurisa haafanirwe kunge achipfura vanhu panguva iyo anenge achiedza kupedza mhirizhonga iri munyika.

Munyori mukuru wesangano iri, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti hurumende inofanira kuvhura masaisai kuitira kuti vanhu vashandise masai aya sekodzero yavo.

“Chokutanga ndechekuti kuva nemukana wekuwana ruzivo kana kutaura newaunoda ikodzero yevanhu. Mafungiro edu ndeekuti hurumende irikutsvaka nzira yekuti ikwanise kudzivirira vanhu mukutaurirana nekuronga zvavanoda kuita asi tinotarisira kuti izvi zvichakurumidza kugadziriswa kuti vanhu vawane mukana wekutaura nevavanoda kutaura navo,” Doctor Mtata vaudza Studio 7.

Kubva zvataurwa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti mafuta emotokari akwidzwa, vanhu vakatanga kuratidzira neMuvhuro, vachivhara migwagwa.

Mumhirizhonga iyi, zvimwe zvitoro zvakaputswa, dzimotokari dzikapiswa pamwe nekupwanywa nevanhu vairambidza vanhu kuti vasaende kumabasa.

Kuzvika pari zvino zvinonzi vanhu vanosvika gumi vafa mushure mekupfurwa uye vanhu vanhu vangangosvike makumi matatu vakakuvadzwa mumhirizhonga iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG