Accessibility links

Breaking News

Sangano reMakereke Rokurudzira Vatori veNhau Kuita Basa Ravo Nemazvo


Rev Dr Kenneth Mtata
Rev Dr Kenneth Mtata

Sangano remakereke, reZimbabwe Christian Council, ZCC, rinoti zvinovakatyamadza zvikuru kuona kuti vatori venhau vasvitswa pakunyora pamusoro pechiitiko chimwe chete nenzira dzakasiyana siyana.

Mugwaro ravo kuvatendi, kana kuti ‘pastoral pronouncement’, ZCC inoti chinangwa chevatapi venhau hachisi chekutengesa nhau chete asi kuti ndechekunyora nhau vasina kwavakarerekera.

Munyori wesangano iri, Doctor Kenneth Mtata, vanoti nhamo iripo ndeyekuti vatori venhau vari kutora kumativi vasina mushandira pamwe unodiwa nebasa ravo.

"Mumwe neumwe anonyora zvaanofunga. Kana vatapi venhau vachida kutibatsira tichienda mberi, chimwe chezvinhu zvavanofanira kuita ndechekuti naivo pavanonyora nhau dzavo dzinofanira kusave nedivi radzakarerekera nekuti chinangwa chavo hachisi chokungotengesa mapepa asi kuvaka. Zvino kana uine chinangwa chekuvaka unotarisa mativi ese uchiratidza kuti nyaya yacho yakamira sei," vadaro Reverend Mtata.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG