Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Council of Churches Inoti Haitsigiri Zvirango Zvakatemerwa Vamwe Vakuru VeZanu-PF


Reverend Kenneth Mtata
Reverend Kenneth Mtata

Zvichitevera kuratidzira kwakaitwa nehurumende yebato reZanu-PF nemusi weChishanu wapfuura, sangano rezvemakereke, reZimbabwe Council of Churches, rinoti haritsigiri kana kukurudzira zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vemu Zanu-PF nemamwe makambani avane chekuita nawo, asi vanoti vanoda kuti vanhu vemu Zimbabwe vakwanise kutaurirana pachavo, pasina anovamanikidza kuita zvinofadza vekunze kwenyika.

Kuratidzira uku kwakange kuchitsigirwa uye kuchikurudzirwa neAfrican Union pamwe chete neSouthern Africa Development Community asi apo vanhu vakange vachiratidzira, hurumende ye America yakabva yazivisa kuti yatemeravo zvirango pagurukota reZimbabwe rinoona nezvevasori, kana kuti CIO, VaOwen Ncube.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Council Of Churches, Reverend Doctor Kenneth Mtata, vaudza Studio 7 kuti vanhu vemu Zimbabwe havafanirwi kumanikidzwa nevekunze kwenyika munhaurirano dzavo dze zvematongerwo enyika.

Reverend Mtata vanoti bumbiro remutemo rinogona kugadzirisa zvese zvinofanirwa kugadziriswa pasina kumanikidzwa nevekunze kwenyika sezviri kuitwa nenyika dzakaita seAmerica nedze European Union.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG