Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Council of Churches Inoti Vanhu Vave Kufa Nenzara Mumatunhu EMatabeleland


MZimbabwe Council of Churches inokurudzira hurumende kuti ikurumidze kubatsira vanhu nezvekudya mumatunhu eMatabeleland
MZimbabwe Council of Churches inokurudzira hurumende kuti ikurumidze kubatsira vanhu nezvekudya mumatunhu eMatabeleland

Sangano remakereke, reZimbabwe Council of Churches (ZCC), rinoti ririkushungurudzika zvikuru nezvarakasangana nazvo mumatunhu eMatabeleland South, Matabeleland North neBulawayo pavakange vachiendesa mbatya dzekuzvidzivirira kuna vanamukoti vanoshanda muzvipatara zvemakereke mumatunhu aya.

ZCC yakaunganidza mbatya dzekuzvidzivirira kuti ipe kuna vanamukoti, vanachiremba nevamwe vanoshanda muzvipatara zvemakereke mumatunhu matatu aya.

Munyori mukuru weZCC, Mufundisi Doctor Kenneth Mtata vaudza Studio 7 kuti vakawana vanhu vazhinji vari munzara uye vari kunetseka izvo zvakagumbura nhengo dzechikwata chavo.

Vati zvavakasangana nazvo zvakakonzera kuti vatore nguva yekuti vanyatsoongorora zviri kuitika vachiti vakaona zvange zvisingafungirwi nesangano ravo.

Vati hurumende inofanirwa kumboisa zvematongerwo enyika parutivi ikurumidze kupindira mukubatsira vanhu vari kufa nenzara.

Doctor Mtata vati sangano ravo richazivisa hurumende zvese zvarakaona kuti ikwanise kubatsira nekukurumidza sezvo mudzimba zhinji mune nzara nekunetseka kwevanhu vasingakwanisi kuenda kuzvipatara pasina rubatsiro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG