Mari inodiwa nemhuri yevanhu vashanu pamwedzi inonzi yakakwira nemadhora ciuru nemazana masere nemaviri kuenda pamadhora zviuru makumi maviri nezvisere zvine mazana matatu nemakumi matanhatu emari yemunyika (ZWL$28 362.00) muna Kubvumbi.
Muna Kurume mhuri imwechete iyoyo yaida mari inoita madhora zviuru makumi maviri nezvitanhatu nemazana mashanu ane makumi matanhatu (ZWL$26 560.00) kuti ikwanise kutenga zvinodiwa pamwedzi.
Izvi zvakaziviswa neboka reZimbabwe National Statistics Agency, Zimstat.
Zvinoreva kuti munhu mumwechete anoda mari inoita madhora zviuru zvishanu nemazana matanhatu nemakumi manomwe nemaviri, ZWL$5 672.00 pamwedzi kuti ararame achikwanisa kutenga chikafu nezvimwe zvose zvinodiwa kuti anzi haasi murombo.
Izvi zviri kuuya panguva iyo vashandi vakawanda vakarasikirwa nemabasa kuchitiwo vashoma vachiri pamabasa vari kutatarika nekuda kwedenda reCovid-19, iro rakavakanganisira mabasa nenzira dzavo dzekurarama nadzo.
Vashandi vehurumende vakawanda vari kuchemawo kuti mihoro yavo iri pasi pemari inodiwa nemhuri yevanhu vashanu kuti irarame.
NeMugovera vashandi vemuZimbabwe vari kubata nepasi rose mukucherechedza zuva revashandi pasi rose, reWorkers’ Day, panguva iyo vashandi vehurumende vari kuenda kumabasa mazuva maviri chete pasvondo vachiti havana mari dzekufambisa.
Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Develpoment Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu kwakanyanya kukonzerwa nekukwirawo kwemutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari, kunyange hazvo inflation ichinzi yakaderera.
Facebook Forum