Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vakawanda kuMasvingo Voshushika neKubiwa kweMari Muzvikoro


Vakuru vezvikoro zvine chitsama mudunhu reMasvingo vanonzi vari kuita huwori nemari dzechikoro.

Vamwe vabereki kuMasvingo vari kuchemachema nenyaya dzehuori dziri kupomerwa vamwe vakuru vezvikoro vachiti vari kutatarika kubhadhara mari iyi kuti vana vavo vaende kuzvikoro.

Vamwe vabereki vakaita saVaHardlife Tangayi, vanoti kukwira kurikuita nyaya dzehuori munyika kuri kuvashungurudza sezvo vachinetseka kuwana mari dzekubhadharira vana nenyaya yakuoma kwehupenyu.

Mazuva mashoma apfuura mukuru wechikoro weGokomere High School, VaAcqunos Mazhungu, pamwe nevamwe vatungamiri vechikoro ichi vashanu kusanganisira mufundisi wepachikoro ichi vakamiswa pamberi pedare remajistereti muMasvingo, vachipomerwa mhosva yekuba mari inopfuura mamirioni maviri.

NeChitatu vabereki vevana vepaBatanai Primary School kwaGutu vakaratidzira vakavharisa chikoro vachipomera mutevedzeri wemukuru wechikoro, VaEnock Sithole, mhosva yekuba mari yechikoro yakawanda.Vamwe vabereki vevana vepaMpandawana vakaratidzirawo vachiti mari yepachikoro ichi yainge isiri kufambiswa zvakanaka.

Mumwe mubereki VaOglive Makova avo vane mwana ari paGokomere vanoti dzidzo yaderera pachikoro apa nenyaya yehuori pamari dzavanobhadhara hwavari kupomera vakuru vechikoro.

Hatina kukwanisa kubata vakuru vepachikoro apa kuti tinzwe divi ravo.

VaShadreck Sharara, vane mwana paBatani Primary, paBhasera, avo vakaratidzira vakavharisa chikoro vachiti vakuru vechikoro varikuba zvinhu zvechikoro pamwe nemari inofanira kunge ichishandiswa padzidzo yevana vanoti vari kuba ngavadzingwe mabasa.

Vachipa divi rehurumende, mutauriri webazi redzidzo VaTaungana Ndoro, vatihuori muzvikoro haukurudzirwe nekudaro vave kushanda nebazi re Zimbabwe Anti Corruption Commission(ZACC) vachisungisa vakuru vezvikoro vanoita zvehuori.

Mukuru wesangano rinomirira vadzidzisi mumaruwa reAmalagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe(ARTUZ), VaObert Masaraure, vati kunyangwe vasingakurudzire kuba, huori huri kuwanda muzvikoro nenyaya yekuti hurumende iri kubhadara vadzidzisi mari shoma.

Asi VaNdoro vanoti nyaya dzehuori hadzineyi nemihoro yevadzidzisi sezvo hurumende iri kuzama kuvapa mari inokwana.

Nyaya ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG