Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Obatana Mukushora Huori Huri Kuitwa paGoridhe neZvimwe Zvicherwa


Masangano akazvimirira munyika anodarika makumi maviri abatana mukushora zvikuru huori hunotyisa hunonzi huri kuitwa munyaya yezvezvicherwa.

Masangano aya anoti Zimbabwe iri kurasikirwa nemari inosvika mabhiriyoni makumi maviri pagore nenyaya yehuori iyi.

Izvi zvinotevera kusungwa kwevakambomiswa semutungamiri wesangano reZimbabwe Miners Federation, Muzvare Henrietta Rushwaya, nevamwe vavo negoridhe rinorema makirogiramu matanhatu.

Masangano aya anosanganisira Zimrights, Misa Zimbabwe, Centre for Natural Resource Governance, Transparency International, Amnesty International, Zimbabwe Peace Project, Zimbabwe Diamond and Allied Minerals nemamwe.

Mutsamba kuvatori venhau makambani aya anoti pane makoronyera akawanda mamwe anozivikanwa ari kuita zvehuori kutengesa goridhe, mangoda nematombo eblack granite asi vasiri kusungwa.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakatendawo kuti goridhe riri kutengeswa zvine huori mukati kuSouth Africa.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvezvicherwa, VaWinston Chitando, sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Asi vachinyora padandemutande ravo reTwitter, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vakati kusungwa kwaMuzvare Rushwaya munongedzo wekuti hurumende iri kurwisa huori.

Mukuru we Centre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti nyaya yehori iri kuitika muzvicherwa iri kuuraya hupfumi hwenyika, nokudaro inofanirwa kuongororwa potorwa matanho anoranga zvakasimba vari kuita huori ava. Ngatinzweyi hurukuro yavaiata naBlessing Zulu weStudio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG