Accessibility links

Breaking News

Matunhu Akawanda eMunyika Otarisirwa Kutanga Kubaya Nhomba yeCovid-19


Gurukota rezvehutano vari zvakare mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga ndivo munhu akatanga kubaiwa nhomba yeSinoPharm munyika.
Gurukota rezvehutano vari zvakare mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga ndivo munhu akatanga kubaiwa nhomba yeSinoPharm munyika.

Matunhu ose emunyika anonzi ave nenhomba yekudzivirira chirwere che Covid-19, uye vanhu vari kutanga kubaiwa nhomba iyi mumatunhu akawanda.

Izvi zvinotevera kutumirwa kwakaitwa mishonga yenhomba yeSinoPharm kumatunhu ose mushure mekunge yapinda munyika nemusi weMuvhuro svondo rapera kubva kuChina.

Bazi rezvehutano rinoti Guta reBulawayo rakapihwa mishonga yenhomba inosvika zviuru gumi nezvitatu nemazana maviri, 13200, iyo ichatanga kupihwa vanhu neMuvhuro.

Dunhu reMatabekeland North rakapihwa nhomba inosvika zviuru zvisere nemazana matanhatu negumi, Matabeleland South ikawana zviuru gumi nechimwe.

Dunhu re Midlands rakawana zviuru gumi nezvitatu nemazana masere (13 800), kuchitiwo Mashonaland West ichiwanawo nhomba inosvika zviuru gumi nechimwe nezana rine makumi mapfumbamwe nembiri, (11 192).

Dunhu reMasvingo rakapiwa nhomba inosvika zviuru makumi maviri nezviviri, kana kuti 22 000.

Dunhu reManicaland rinonzi riri kutarisirwawo kutanga kubaya nhomba.

Hurumende yakazivisa kuti vashandi vari pamberi mukurwisana neCovid-19 ndivo vachatanga kuwaniswa nhomba iyi.

Kuparurwa kwechirongwa chekubaya nhomba ichi kuri kuuya panguva iyo huwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa neCovid-19 munyika hwadzikira zvikuru.

Bazi rezvehutano rakazivisa nezuro kuti vanhu vana chete ndivo vakafa nechirwere ichi neSvondo, uye makumi maviri nevanomwe kana kuti 28 vakawanikwa vainacho.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi nyika yose kubva pachatanga vave zviuru makumi matatu nezvishanu nemazana manomwe ane makumi mapfumbamwe nevatanhatu, kana kuti 35 796.

Vanhu vakanga vapora vakasvika pazviuru makumi matatu nezviviri zvine zana nemakumi maviri nemashanu, kana kuti 32 125, kuchitiwo vanhu vakashaya vakanga vasvika pachiuru nemazana mana ane makumi matatu nevatanhatu, kana kuti1 436.

Mukuru wesangano rinoona nezvehutano munharaunda dzemunyika, reCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti chinhu chakanaka chose kuti nhomba yave mumatunhu ose emunyika, asi vachiti zvakakoshawo kuti Harare isangove ndiyo chete nzvimbo inongotangira zvinhu zvose.

Vanotiwo dzidziso pamusoro penhomba yeCovid-19 inofanirwa kupiwa nemitauro inotaurwa mumatunhu anenge aendeswa nhomba iyi, kwete kushandisa Chishona kana IsiNdebele kana Chirungu chete.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG