Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kupona kuChirwere cheCOVID-19 Munyika Hwuri Kukwira


Vanhu vari kubatwa neCovid-19 munyika vari kuwanda, asi vanhu vari kuponawo kuchirwere ichi vari kuwandawo zvakare.
Vanhu vari kubatwa neCovid-19 munyika vari kuwanda, asi vanhu vari kuponawo kuchirwere ichi vari kuwandawo zvakare.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 munyika hwasvika pazviuru zvishanu zvine mazana manomwe nemakumi mana nevashanu, kana kuti 5,745.

Bazi iri rakaisawo huwandu hwevanhu vapona kuchirwere ichi pazviuru zvina zvine mazana mashanu nemakumi maviri nevashanu, kana kuti 4,525.

Vanhu vafa vasvika pazana nemakumi mashanu nemumwe, kana kuti 151. Izvi zvinoreva kuti vanhu vachiri kurwara neCovid-19 munyika yose vave chiuru nemakumi matanhatu nevapfumbamwe, kana kuti 1,069.

Dunhu reMasvingo, iro ranga risati rashaikirwa nemunhu nekuda kwechirwere ichi, nemusi weChina rakazove nemunhu wekutanga kushaya anove munhu mumwe chete akashaya nemusi weChina.

Vanhu vari kushaya vanonzi ndevaya vane makore ari pakati pemakumi mana nemakumi masere, vanhurume vachinzi ndivo vari kufa vakawanda nekukwirawo kwemakore.

Asi Zvinonziwo pave netarisiro yekuti kudziya kwekunze kuchaderedza kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Doctor Portia Manangazira vakaudza bepanhau reHerald kuti vanotarisira kuti kupera kwechando kuchabatsira kuti vanhu vasarambe vari munzvimbo dzakamanikidzana vachitsvaga kudziirwa, izvo zvichabatsira kuti vasatapurirane chirwere.

Nyanzvi mune zvehutano vari chiremba, Dr. Edgar Munatsi, vanoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vari kupona kubva kuCovid-19 kune chekuita netsanangudzo itsva yeWorld Health Organisation iyo inoti kana munhu akavhenekwa akawanikwa aine chirwere nekuti anga achinzwa kurwadziwa kana kuti anga aine zviratidzo, akazoita mazuva matatu asisina zviratidzo anobva anzi apora.

Chimwe chinonzi naDr. Munatsi chakashandurwa neW-H-O ndechekuti munhu akavhenekwa akawanikwa aine chirwere asi akazoramba asina zviratidzo kwemazuva gumi anotevera anenge ave kutonzi apora.

Zvichakadaro, vanhu vabatwa ne covid-19 pasi rose vanonzi neJohns Hopkins University Hospital vadarika pamamiriyoni makumi maviri nemaviri nezviuru mazana manomwe, kana kuti 22,700 000.

Vanhu vashaya vanonzi vadarikawo zviuru mazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nezvina kana kuti 794 000.

America ndiyo ichiri pamusoro panyika dzose pavanhu vane Covid-19, iine vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu nezviuru mazana mashanu nemakumi manomwe nezvitanhatu, kana kuti 5,576 000, vafa vachidarikawo zviuru zana nemakumi manomwe nezvina kana kuti 174 000.

South Africa ndiyo iri pamusoro muAfrica iine vanhu vanodarika zviuru mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nezvipfumbamwe, kana kuti 599 000, vafa vachidarika zviuru gumi nezviviri nemazana matanhatu kana kuti 12,600.

Hurukuro naDoctor Edgar Munatsi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG