Accessibility links

Breaking News

Murume Akambotiza kuWilkins Anowanikwa Asina Coronavirus


Hurumende inoti yave nezvese zvinodiwa mukuongorora chirwere cheCoronavirus munyika.

Chizvarwa chekuThailand chekumbokatiza muchipatara cheWilkins muHarare neSvondo kwachaifanirwa kuongororwa kana chiine coronavirus chinonzi chazoongororwa neChipiri chawanikwa chisina hutachiwana uhwu.

Mukuru anoona nezvehutano mukanzuru yeguta reHarare, Doctor Prosper Chonzi, zvabuda muongororo yaitwa iyi zvinoratidza kuti murume uyu haana chirwere ichi, izvo zvaita kuti abva aregwa achienda kumba kwake.

Murume uyu anonzi adzoka ega kuchipatara ichi mushure mekutsvagwa nemapurisa achishaikwa.

Murume uyu anonzi akabva kuThailand mazuva makumi maviri adarika akaitwa ongororo ye coronavirus pakupinda kwaakaita munyika, izvo zvakaratidza kuti muviri wake waidziya zvakanyanya.

Izvi zvinonzi zvakazoita kuti aendeswe kuWilkins Hospital, uko akazongotsakatika.

Hapana ati awanikwa aine chirwere ichi muZimbabwe kunyange hazvo paine vanhu vanoVanhu vana muSouth Africa vanonzi vakawanikwa vaine hutachiwana hwecoronavirus neMuvhuro, izvo zvasvitsa huwandu hwevanhu vave nechirwere ichi pavanomwe munyika iyi.

Vakambove gurukota rezvehutano uye vari ivo munyori anoona nezvehutano muMDC inotungamirirwa naVaNelson Chamisa, Doctor Henry Madzorera, vanoti panofanirwa kutorwa matanho akasimba ekuchengetedza vanenge vafungidzirwa kuti vangave nehutachiwana hwechirwere ichi, vachiti zvakaitika paWilkins Hospital hazvifanirwe kodzokororwa nekuti zvinoisa ruzhinji rwevanhu munjodzi.

Doctor Madzorera vanoti bazi rezvehutano rinofanirwawo kushambadza zvakasimba nezvechirwere ichi, uyewo kuisa nhare mumatunhu ose emunyika ekuti vanhu vanokwanisa kufona chero nguva vachitaura pamusoro pechirwere ichi.

Vari kukurudzirawo kuti pave navanautsanana vanofamba vachiongorora vanhu kuti vane hutachiwana here kana kuti kwete, pane kumirira kuti munhu anofungidzira kuti ane chirwere ichi aende iye kuchipatara.

Hurukuro naDoctor Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG