Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nyanzvi dzeHutano Dzokurudzira Kuongororwa Zvakare kweVakambonzi Havana Coronavirus


Dzimwe nyanzvi mune zvehutano dzinoti vanhu vakamboonekwa vasina coronavirus vanofanirwa kuongororrwa zvakare.

Dzimwe nyanzvi mune zvehutano dzinoti dzinotsigira pfungwa yekuti vanhu vakamboongororwa kuti vane hutachiwana hweCoronavirus here kana kuti kwete, vakawanikwa vasina, vaongororwe zvakare.

Izvi zvinotevera mashoko emukuru anoona nezvezvirwere zvinotapuriranwa mubazi rezvehutano, Doctor Portia Manangazira, avakaudza bepanhau reHerald ekuti vanhu ava vanogona kunge vakakasika kuongororwa chirwere ichi utachiwana husati hwave kuonekwa.

Hatina kukwaisa kunzwa kubva kuna Doctor Manangazira sezvo vanga vasati vapindura mubvunzo wedu.

Asi sachigaro vesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Fortune Nyamande, vanoti vanotsigira pfungwa yekuti vanhu vaongororwe patsva iyi, vachiti vanogona kunge vakaongororwa hutachiwana husati hwave kukwanisa kuonekwa mumiviri yavo.

Doctor Nyamande vanoti kana zvikwanisiro zviripo zvakakosha kuti vanhu ava vaongororwe zvakare.

Zimbabwe ine vanhu vanosvika mazana matatu negumi nevatanhatu vaongorora kana vaine hutachiwana hweCoronavirus kusvika pari zvino, uye vapfumbamwe vavo ndivo vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Munhu mumwechete pavapfumbamwe ava, Zororo Makamba, ndiye akashaya.

Vamwe mazana matatu nevanomwe vakawanikwa vasina hutachiwana hunokonzera COVID-19.

Vamwe vevanhu vakambenge vapona kubva kuchirwere ichi muChina vanonzi vakazoongororwa zvakare vakawanikwa vaine hutachiwana hunokonzera COVID-19.

Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG