WASHINGTON D.C. —
Mutewedzeri wemutungamiri weMDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thozane Khupe, Engineer Elias Mudzuri, vakazivisa neChipiri kuti vakabatwa vaine chirwere cheCovid-19.
Vachinyora padandemutande reTwitter, Engineer Mudzuri vakazivisa vana veZimbabwe kuti vakanga vavhenekwa vachiwanikwa vaine chirwere ichi, uye vakanga vatove kune chimwe chipatara uko vakanga vachibatsirwa nevashandi vaive vakazvipira, chinove chinhu chaivapa kugadzikana.
Vakatiwo nekuzvipira kwavo pamwe neminamato yevamwe vose vaizokwanisa kukunda chirwere ichi.
Facebook Forum