Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri kuAmerica Chotaura Pamusoro peKugara Kwacho kuZimbabwe Munguva yeCovid-19


VaTinashe Tsokodayi vakaenda kuZimbabwe kuri kushanya asi vakazoguma vagara kwemwedzi minomwe nekuda klweCovid-19.
VaTinashe Tsokodayi vakaenda kuZimbabwe kuri kushanya asi vakazoguma vagara kwemwedzi minomwe nekuda klweCovid-19.

Vakuru vakati gonzo mhini gara mumhango chemudzimu chikuwaniremo.

Izvi ndizvo zvakaitwa nechimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaTinashe Tsokodayi, mushure mekunge vashanya kumusha panguva imwechete denda reCovid-19 rakapindawo munyika.

VaTsokodayi, avo vanogara muVirginia muAmerica, vanoti pavakaenda kumusha muna Kukadzi wegore rino, havana kumbobvira vafunga kuti vaizogara kwemwedzi minomwe.

Asi nekuda kwekuti nyika yakazovharwa muna Kurume wakare nekuda kwechirwere cheCovid-19 mushure mekunge hurumende yakadzika mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19, VaTsokodayi vakazongozvipira kugarako kusvika zvinhu zvanaka.

VaTsokodayi vanoti vanoona sekunge hurumende yeZimbabwe yakaita zvose zvaikodzera kuti iite kudzivirira kupararira kwechirwere ichi, izvo vanoti zvinogona kunge zvakaita kuti huwandu hwevanhu vabatwa pamwe nekufa nechirwere ichi huderere.

Vanoti vaifanirwa kudzoka kuAmerica musi wa20 Kurume asi vakaona zvakakosha kuti varambe vari muZimbabwe senzira yekuzvidzivirira ivo pamwe nehama dzavo dziri kuAmerica, sezvo vaityira kuti vaizogona kubatira chirwere ichi murwendo rwavo, uyewo kuti vambotanga vanzwisisa nezvechirwere ichi.

"Ndakaona kuti izvoni ndakafamba nguva yeCovid kwandaisvika ikoko I was a potential risk yekuti ndi spuredhe as I had a feeling yekuti Covid yakawanda yanga ichibatwa nevanhu in transit mundege imomo, saka ndakangoita decision yekuti ndimbomira ku traveller," VaTsokodayi vanodaro.

Vanoti vakazokwanisa kubuda munyika kutanga kwaGumiguru, mushure mekunge hurumende yavhura zvakare nhandare dzendege dzose dzemunyika.

Semutemo uri munyika dzose, vakasungirwa kutanga vawana gwaro rinoratidza kuti vakavhenekwa Covid-19 vakawanikwa vasina chirwere mukati memaawa makumi manomwe nemaviri kuti vakwanise kukwira ndege.

VaTsokodayi vanoti havana kusangana nedambudziko pakupinda muAmerica, asi vakatara kuti vachange vachigara kwavo vega kwemazuva gumi nemana, kunyange hazvo dunhu ravo risina mutemo iwowo.

Hurukuro naVaTinashe Tsokodayi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG