Accessibility links

Breaking News

Vashandi, Vashandirwi neHurumende Votarisirwa Kusangana neChipiri paNyaya yeVashandi Vari kuDzimba Nekuda kweCoronavirus


Vashandi vakawanda vari mumabasa asina kukosha vachange vari kudzimba kwemazuva makumi maviri nerimwe senzira yekudzivirira kupararira kwe coronavirus.
Vashandi vakawanda vari mumabasa asina kukosha vachange vari kudzimba kwemazuva makumi maviri nerimwe senzira yekudzivirira kupararira kwe coronavirus.

Sangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti rashevedzwa nehurumende kuti vazeye nyaya yekuti vashandi nevashandirwi vangabatwa sei munguva ino yekuvharwa kwemamwe makambani senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere che coronavirus.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti hurumende yavashevedza kumusangano neChipiri wekuti ivo sesangano rinomirira vashandi vapewo pfungwa dzavo pakuti vashandi vangabatsirwa sei pamazuva makumi mavbiri nerimwe avanenge vasiri kuenda kumabasa.

VaMoyo vanoti kunyange hazvo sangano ravo riri iro rakatanga kuuya nepfungwa yekuti makambani ambovharwa kuitira kudzivirira vashandi kubva kuchirwere ichi, vakazoshamisika votonzwa mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vozivisa kuti vanhu vagare kudzimba, asi pasina kuziviswa kuti vashandi nevanozvishandira pamwewo nemakambani anenge achitatarika vachabatsirwa sei.

Vanoti musangano weTripartite Negotiating Forum wavakapedzisira kuita hauna kubuda nechisungo panyaya iyi nekuda kwekuti chirwere ichi chakanga chisati chapinda munyika panguva iyi. Asi vakanga vawirirana kuti paumbwe chikwata chaizotarisa nezvenyaya iyi, icho chisati chaumbwa kusvika pari nhasi.

VaMoyo vanoti vanoona sekunge musangano wemusi weChipiri uyu uchatadza kubudirira sezvo naivo vari kutyawo kufambafamba, kunyange hazvo vachiti mushandi haafanirwe kukanganiswa panguva iyi.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kunzwa divi revashandirwi panyaya iyi.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Doctor Energy Mutodi vanoti vashandirwi vose vanofanirwa kubhadhara vashandi vavo kwemazuva makumi maviri nerimwe iwayo, kunyange hazvo vari kuti vambonzwa vamwe vari kuti mushandi kana asina kushanda haawane mubhadharo wake.

“Tambonzwa vamwe vari kuti no work no payment, saka izvozvo tiri kuti kwete. Hatisi kuda kunzwa mushandirwi anotadza kubhadhara mushandi wake nechikonzero cheCOVID-19,” VaMutodi vanodaro.

Vanoti kana ivowo sehurumende, vashandi vavo vari kudzimba zvichireva kuti havafanirwe kutadza kuvabhadhara.

Panyaya yekuti kune vamwe vari kuti vanogona kufa nenzara panguva yekusaenda kumabasa iyi, Doctor Mutodi vanoti vanhu ava vanofanirwa kuzivisa bazi rezvekugara zvakanaka kwevanhu uyewo mapurisa kuitira kuti vakwanise kuwaniswa rubatsiro rwakakodzera.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG