Accessibility links

Breaking News

Imwe Mhuri Yobatsira Vadzidzi Vakavharirwa Zvikoro nePamusana peCovid-19


Amai Portia Kandemiri vemudunhu reMaryland, muAmerica.
Amai Portia Kandemiri vemudunhu reMaryland, muAmerica.

Apo nyika dzakawanda dziri kuramba dzichitora matanho akasimba ekudzivirira kupararira kwehutachiwana hweCoronavirus, zvikoro zvepamusorosoro zvakawanda pasi rose zviri kuvharawo senzira yekuti vadzidzi nevarairidzi vasatapurirwe chirwere ichi.

Zvimwe zvezvikoro izvi zvakatobvisa vadzidzi vose vanodzidza vachigara pazvikoro izvi senzira yekudzivirira kutapurirana kwechirwere ichi, icho chauraya vanhu vanoda kusvika zviuru makumi maviri pasi rose.

Zvikoro izvi zvave kupawo zvidzidzo zvazvo kuburikidza nedandemutande, zvichireva kuti vana ava vanofanirwa kunge vari panzvimbo inobata masaisai zvakanaka.

Matanho ezvikoro aya ari kusiya vana vakawanda vanobva kune dzimwe nyika vave parumananzombe sezvo vamwe vasina kukwanisa kudzokera kunyika dzavo kune vabereki vavo.

Asi imwe mhuri iri mudunhu reMaryland, yekwaKandemiiri, yakarerutsa mutoro uyu kuburikidza nekubatsira vadzidzi vaviri vanobva kuZimbabwe vari kudzidza muAmerica .

Mhuri yemushamarari weStudio7, Jonga Kandemiiri, yakatora musikana anodzidza kudunhu reTennessee pamwe nemukomana anodzidza kune chimwe chikoro chepamusorosoro chiri kuBaltimore muMaryland makare.

Amai Kandemiri vanoti ivowo semubereki vakaona zvakakosha kuti vabatsire vana vechikoro vaviri vavari kugara navo ava mushure mekuvharwa kwezvikoro zvavo sedanho rekudzivirira Coronavirus.

Vanoti danho ravo iri rinopa vabereki vevana ava vari kumusha kuZimbabwe mukana wekurarawo hope vachiziva kuti vana vavo vari pari nani, pakachengeteka.

Amai Kandemiri vanoti vanokurudzirawo mhuri dziri kunze kwenyika dzinokwanisawo kubatsira vana vezvikoro zvepamusorosoro vanobva kunyika dzakasiyanasiyana kuti dzibatsire napose padzinogona napo sezvo nguva ino iri nguva yakaoma zvekuti vana ava vanotodawo ruoko rwevabereki chero kwavari.

Hurukuro naAmai Portia Kandemiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG