Accessibility links

Breaking News

Vanorarama neKutengesera Mumigwagwa Vochema Kuti Hurumende Haina Kuvabvumidzawo Kutanga Kushanda


Vanorarama nekutengesera mumigwagwa vanoti hurumende yaifanirwawo kuvapa mukana wekuti vatangewo kushanda sezvayakaita kune vemakambani munguva ino yeCovid-19.
Vanorarama nekutengesera mumigwagwa vanoti hurumende yaifanirwawo kuvapa mukana wekuti vatangewo kushanda sezvayakaita kune vemakambani munguva ino yeCovid-19.

Vanotengesa zvinhu mumigwagwa vari kuchema-chema zvikuru vachiti hurumende inofanirwa kuvabvumidzawo kuti vadzokere pamabasa avo sezvo vachirarama nekutengesa zvinhu mumigwagwa uye vanhu ava vakawanda kudarika vanhu vanoenda kumabasa.

Masangano anomirira vanhu ava, anoti reVendors Initiative for Social and Economic Transformation, (VISET) neSurvival Vendors Union of Zimbabwe anoti hurumende yaifanirwawo kuona kuti vanozviitira mabasa emaoko ava vabvumidzwawo kudzokera kumabasa avo sezvayakaita kubvumidza vemakambani kuti vavhure.

Hurumende yakabvumidza vemakambani kuvhura asi vachiita kuti vashandi vavo vaongororwa kuti havana COVID-19 here kana kuti kwete.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemakambani madiki neepakati, Amai Sithembiso Nyoni kuti tinzwe kana paine hurongwa hwavari kuitira vanozvibatira mabasa emaoko ava.

Makanzuru mazhinji munyika ari mushishi kuparadza nzvimbo dzinosishandirwa nevanozvishandira ava, kunyange hazvo dare repamusoro rakapa mutongo richiti mamwe emakanzuru aya akanga atyora mutemo nekuparadza nzvimbo idzi.

Asi mukuru weVISET, VaSamuel Wadzayi, vanoti vane kunyunyuta uye kushamisika kuti sei hurumende yakasvika padanho iri isinawo kutarisa vanorarama nekutengesera mumigwagwa, vavanoti ndivo vakabata hupfumi hwenyika.

Hurukuro naVaSamuel Wadzayi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vakafanobata chigaro chemukuru wesangano re Survival Vendors Union of Zimbabwe, VaObey Mwariwangu, vanoti kunyange hazvo hurumende iri kuita zvakawanda mukurerutsa zvinhu yakanangana nechirwere che coronavirus, kune vanotengesera mumigwagwa hapana chinhu chati charerutswa, sezvo vasiri kukwanisa kupinda mumigwagwa, munove mavanogara nekushandira.

Hurukuro naVaObey Mwariwangu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG