Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yonzi Yakarara neZamu muMukanwa paNyaya yeKudzivirira Kupararira kweCoronavirus


Vanhu vakawanda vave kubatwa neCovid-19 kudarika zviitika patanga chirwere ichi munyika.
Vanhu vakawanda vave kubatwa neCovid-19 kudarika zviitika patanga chirwere ichi munyika.

Bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 hwasvika pamazana mashanu nevanomwe, kana kuti 507, zvichitevera kushaya kwevanhu makumi maviri nevana, kana kuti 24, neSvondo.

Vanhu vatanhatu vakashaya kuManicaland, vana padunhu kuMashonaland East neMasvingo, kuchiti vatatu vachishaya mudunhu reMashonaland West.

Vanhu vaviri vakafa mumatunhu anoti Bulawayo, Mashonaland Central neMidlands, kuchitiwo munhu mumwechete achishaya kuMatabeleland North.

NeSvondo hapana munhu akashaya mudunhu reHarare.

Vanhu mazana mapfumbamwe nemakumi manomwe nevasere, kana kuti 978, vakawanikwa vaine Covid-19 pavanhu zviuru zvina nemazana mapfumbamwe ane makumi matatu nevatanhatu, kana kuti 4936 vakavhenekwa nyika.

Huwandu hwevanhu vari kufa neCovid-19 hunouya panguva iyo hurumende yadzika mutemo unorambidza kutakurwa kwezvitunha kubva kumatunhu ashaikira munhu kuenda kune mamwe matunhu emunyika.

Mutemo uyu, uyo wakaziviswa nezuro nemutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, unorambidzawo kupinzwa mudzimba kwezvitunha, uchiti vanhu vave kusungirwa kungotora mufi achibva angonovigwa kumakuva.

Vehukama havachabvumidzwawo zvakare kuvhura bhokisi vachionekana nemufi.

Hurumende inoti yatora danho iri senzira yekudzivirira kupararira kwehutachiwana hunokonzera Covid-19.

Asi yajekesawo kuti mitumbi yevanhu vanenge vashaira kunze kwenyika inobvumidzwa kupinzwa munyika, asi pachiteverwa mitemo yakasimba yekudzivirira kupararira kwehutachiwana.

Hurumende iri kutarisirwawo svondo rino kuziva kana kukwira kwechirwere ichi munyika kuri kukonzerwa nehutachiwana hutsva hunonzi hwakatangira kuSouth Africa.

Studio 7 yakundikana kubata mukuru anoona nezvekudzivirirwa kweCovid-19, Doctor Agnes Mahomva, sezvo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.

Tatumirawo mibvunzo yedu kune mukuru anoona nezvezvirwere zvinotapurirarwa mubazi rezvehuutano, Doctor Portia Manangazira, asi vanga vasati vapindura pataenda pamhepo.

Nyanzvi mune zvehutano zvehutano uye vakambove gurukota rezvehutano, Doctor Henry Madzorera, vanoti kukwira kwehuwandu uku kunoratidza kuti nyika yakarara nezamu mumukanwa panyaya yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Panyaya yemutemo unorambidza kutakurwa kwezvitunha kubva kune rimwe dunhu kuenda kune rimwe, Dr. Madzorera vanoti havangarishore zvavo danho iroro nekuti vanhu vazhinji vari kubata chirwere ichi padzindufu.

Asi vanoti hurumende ingada zvayo kurambidza kufamba kwezvitunha, kufamba kwe coronavirus kuri kuitwa nevanhu vapenyu vanofamba netsoka dzavo.

Dr. Madzorera vanoti panofanirwa kusimbiswa mutemo unorambidza kufamba kwevanhu kubva mune rimwe dunhu vachienda kune rimwe.

Hurukuro naDr. Henry Madzorera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG