Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanotara Kuti Zvikoro Zvivharwe Musi wa24 Kurume


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vazivisa kuti zvikoro zvave kuzovharwa nemusi weChipiri 24 Kurume, kwete mukupera kwesvondo mbiri sezvavakanga vambozivisa.

Mugwaro ravo ravaburitsa, VaMnangagwa vati vatora danho iri mushure mekunzwa kushushikana kwevabereki pamwe nevari muboka rezvedzidzo pamusoro pekutyira kuti chirwere che coronavirus ichi chingazopararira muzvikoro, umo munenge muine vanhu vakawanda.

Danho remutungamiri wenyika iri rinouya panguva iyo masangano evarairidzi anoti Progressive Teachers Union of Zimbabwe neAmalgamated Rural Teachers' Union of Zimbabwe anga ari kukurudzira hurumende kuti ivhare zvikoro musi wa20 Kurume senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi, reProfessional Educators Union, PEUZ, VaWilson Makanyaire, vanoti VaMnangagwa vanga vatononoka kutora danho iri sezvo ivo sangano ravo ranga ratoburitsa kare nhengo dzaro kubva muzvikoro senzira yekudzivirira varairidzi pamwe nevana vechikoro kubva kuchirwere chabata pasi rose ichi.

VaMnangagwa vakatarawo musi weChishanu Kurume 20 sezuva rekutanga kushanda kwemutemo unorambidza kuungana kwevanhu vanodarika zana panzvimbo imwechete.

Hurukuro naVaWilson Makanyaire
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG