Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze Zvokurudzirwa Kunzwisisa Dzidziso Pamusoro peCOVID-2019


Hurumende inoti yave nezvese zvinodiwa mukuongorora chirwere che COVID-2019, icho chanetsa kuChina.
Hurumende inoti yave nezvese zvinodiwa mukuongorora chirwere che COVID-2019, icho chanetsa kuChina.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kukudzirwa kuti zvitevere kurudziro dzekudzivirira kubatwa nechirwere checoronavirus, icho chave kunzi Corona Virus Disease, 2019, kana kuti COVID-2019, dziri kupiwa nemapoka ehutano munyika dzazvigere, kuitira kuderedza mikana yekuti zvibatwe nechirwere ichi.

Chizvarwa cheZimbabwe uye vari sachigaro vesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, Doctor Fortune Nyamande, avo vari kuSweden, vanoti nyika imwe neimwe iri kuburitsa mashoko ekushambadza nzira dzekuti vanhu vange vachizvidzivirira kubva kuchirwere ichi.

Doctor Nyamande vanoti izvi zvakakosha zvikuru kuvana veZimbabwe vari kunze kwenyika kuitita kuti vazive mamiriro akaita chirwere ichi munyika dzavagere.

COVID-2019 inonzi yauraya vanhu vanodarika chiuru nezana muChina uye vaviri kunze kwenyika yakatangira chirwere ichi iyi.

Vanhu vanodarika zviuru makumi mana nezvishanu muChina chete vanonziwo vabatwa nechirwere ichi, kunyange hazvo zviri kunzi kupararira kwacho kwadzikira munyika iyi.

Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG